Accessibility links

Breaking News

VaRoy Bennett neMudzimai Wavo Vanorangarirwa kuChimanimani


FILE - Roy Bennett, a senior Zimbabwean MDC opposition official, and his wife, Heather, relax at a friends home in Mutare, about 200 kilometers east of Harare, Zimbabwe, following his release from prison. A helicopter crash killed Bennett and his wife whi

Nyaradzo yaVaRoy Bennett nemudzimai wavo, Heather, yaitwa neMugovera kuChimanimani pedyo nepurazi ravo reCharleswood iro ravakatorerwa nehurumende makore akati kuti apfuura.

Veruzhinji vaungana kuChimanimani vachirangarira VaBennett nemudzimai wavo, avo vakashaya mutsaona yechikopokopo yakaitika musi wa 17 Ndira 2018 mudunhu reNew Mexico muAmerica.

Vanhu vataura vachipa humbowo vachipembedza kugara zvakanaka kwavaiitwa nemhuri yekwaBennett.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Peggy Sauti, vati mhuri yekwaBennett yaive nerudo zvikuru.

"Vainge vari munhu ane rudo zvakanyanya mukugarisana navo zvataiita, munguva yekurwira nyika kuti tiwane rusununguko rwakazara. Aida kuti munhu wese awane hutongi hwejekere, kunyangwe vange vave kunze vaingorangarira tose. Tinongoshuvira kuti vazorore murugare pamwe chete nemudzimai wavo, Mwari avaitire nyasha kwavari, zororai murugare," vadaro Amai Sauti

Amai Yvonne Sithole vatiwo VaBennett vakakwanisa kubata tsika dzevanhu vemunharaunda mavo.

"Vaizviti ndinoyera Soko Murehwa saka tose taishaya kuti murungu anoyera Soko Murehwa seyi saka tarasikirwa nemunhu aiva nerudo zvikuru dayi Mwari akavaitira zvakanaka,"vataurawo vachidaro Amai Sithole.

Amai Wendy Makaya, avo vakadzidza pachikoro cheCharleswood Primary School, vatiwo vakaziva nzvimbo dzakawanda nekuda kwerudo rwaVaBennett.

"Aibhadharira vana mari yechikoro uye mabhuku nezvinyoreso taipihwa, every year taindeswa kuma trips kuHarare pachikoro, zvikoro zvenharaunda zvaiwana rubatsiro, uye vamwe vaiwana mabasa papurazi iri. Akavakisa mabhiriji nekugadzira migwagwa saka vanhu veChimanimani tarasikirwa," vadaro Amai Makaya.

Mwanasikana waIshe Mutambara, Muzvare Venna Musukutwa, vatiwo VaBennett vaigovera vagari mawairesi aibatsira kuti veruzhinji vanzwe nhau kubva kunhepfenyuro yeVoice of America, Studio 7 sezvo ikoko masaisai enhepfenyuro dzemuno achinetsa.

Vamwe vanga vari panyaradzo iyi vanosanganisira VaIan Kay, VaArnold Tsunga nevamwe vakuru vakuru mudunhu reManicaland.

VaBennett vakamboita sachigaro wedunhu reManicaland muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, uye vakambomirira dunhu reChimanimani muparamende.

Vakashandawo kwenguva yakareba vari mubati wehomwe muMDC-T, vakazosiya chigaro vachiti vaida kungomira zvavo senhengo isina chigaro mubato.

Vakabuda munyika munguva yehurumende yemubatanidzwa vachityira hupenyu hwavo sezvo vainge vakavengwa nehurumende yaiva yaVaRobert Mugabe, avo vakaramba kutoresa mhiko VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima munguva yehurumende yemubatanidzwa.

Vaviri ava vasiya vana vaviri, mukomana Charles, nemusikana, Casey, uye muzukuru, Roy Junior.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG