Accessibility links

Breaking News

Mitumbi yaVaBennett neMudzimai Wavo Yotarisirwa Kusvika muZambia Svondo Rinouya


A helicopter crash killed Bennett and his wife, Heather, January 17, 2018 in New Mexico, USA.
A helicopter crash killed Bennett and his wife, Heather, January 17, 2018 in New Mexico, USA.

Mitumbi yaVaRoy Bennett, nemudzimai wavo, Amai Heather Bennett, inonzi iri kutarisirwa kusvika muZambia svondo rinouya, uko vanonzi vanga vava kurima vari.

Shamwari yemhuri yekwaBennett, VaBrian James, vaudza Studio7 kuti mitumbi yevaviri aya ichasvikira kuZambia svondo rinouya, uko VaBennett vanga vachirima vari.

VaJames, avo vakamboita meya weMutare, vatiwo mitumbi iyi ichazoendeswa kuSouth Africa uko inotarisirwa kuvigwa.

VaBennett nemudzimai wavo vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera mutsaona yechikopokopo chakange chakatakura vanhu vatanhatu mudunhu reNew Mexico kuAmerica.

Vanhu vashanu vakafa mutsaona iyi.

VaRegai Tsunga vaizivana naVaBennet vasati vaenda kuhupoteri kunze kwenyika. VaTsunga vanoti VaBennett vaibatsira veruzhinji mune zvakawanda.

VaTsunga vanoti VaBennett munhu aifarira kushandira nyika yavo, uye kushaya kwake kuri kuvarwadza zvikuru.

"Roy akambopokana nedzimwe nhengo dzeparamende asi ari kutaura chokwadi; saka tinoti Roy Bennett zorora murugare," vadaro VaTsunga.

Mutori wenhau ayiwirirana naVaBennett, Clayton Masekesa, anoti haana mashoko mazhinji asi kungoti arasikirwa nasahwira uye nemunhu aimupa mazano nguva zhinji.

"Eeeh tinoti rufu kutonga kwaMwari uyezve takatarisana nenguva inorema saka tinotanga nekuti ngavafambe nekuzorora murugare VaBennett. Iniwo semutori wenhau ndakatanga kushanda naVaBennett kare ndingati kuma-late 90s and early 2000, anga ari munhu anga ane shungu yekuti constituency yake ibudirire. Ange ari munhu zvakare aiva ne vision achida kuti vanhu venharaunda yake vabudirire pamwe chete neManicaland yacho. Saka ndinoti nyika yarasikirwa nekuti tange tino vimbo yekuti munhu aizobatsira pakuvaka Zimbabwe inyuwani mune remangwana," adaro Masekesa.

Mutauriri weMDC mudunhu kuManicaland, VaTrevor Saruwaka, vanoti vende rasiiwa naVaBennett nemudzimai wavo richanetsa kuvhara sezvo mhuri iyi yaive nerudo uye chivimbo chekubatsira mukufambira mberi kweZimbabwe itsva.

VaBennett, avo vanga vava nemakore makumi matanhatu, vakamboita sachigaro weMDC kuManicaland, uye vakaita mubati wehomwe webato iri kwemakore akawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG