Accessibility links

Breaking News

Magweta Okumbira Dare rePamusoro Kunyevenutsa Mutongo Wakapihwa Muzvare Mamombe


Joana Ruvimbo Mamombe
Joana Ruvimbo Mamombe

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti raenda kudare repamusoro richikumbira dare iri kuti riongorore mutongo wakapihwa mumiriri weHarare West mudare reNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe, avo vakakandwa mujeri nemusi weChina.

Magweta aya anoti haasi kufara nemutongo wakapihwa nedare ramajesitireti izvo zvakaita kuti Muzvare Mamombe vavharirwe mujeri.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Bianca Makwande, vakati Muzvare Mamombe vaende kujeri kwemasvondo maviri vachimirira kuti vaongororwe nanachiremba vakazvimirira vaviri kuti vanokodzera here kuti vatongwe zvichitevera kurwara kwavanoti vari kuita.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti mutongo wakapihwa Muzvare Mamombe hauna kukodzera izvo zvakapa kuti vasvitse kudare nemusi weChishanu chikumbiro chechimbi chimbi kuitira kuti mutongo waAmai Makwande uiswe parutivi.

Muzvare Mamombe vakapambwa vakatochwa muna Chivabvu pamwe nedzimwe nhengo dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova.

Asi hurumende inoti vatatu ava vakanyepa kuti vakatochwa vari mumaoko emapurisa, kunyange hazvo ongororo yakaitwa nenyanzvi yakaburitsa kuti vatatu ava vakatochwa zvakaipisisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG