Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuumba Hwaro Hwekuti Mapurisa neMasoja Anoshungurudza Vanhu Arangwe


Nyanzvi munyaya dzemitemo nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti munyika munofanirwa kuva nehurongwa hunonzwa nyunyuto dzevanenge vakanganisirwa nemapurisa nemasoja kuitira kuti kodzero dzevanhu ava dzisarambe dzichimbunyikidzwa.

Kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richikurudzira kuumbwa kweboka rakazvimirira rinonzwa zvichemo zveveruzhinji kana vachinge vatyorerwa kodzero dzavo, izvi hazvisati zvaitwa mushure mekunge bumbiro iri ratambirwa muna 2013.

Gweta rinoshanda nesangano rakazvimiririra re Zimbabwe NGO Forum, VaTafadzwa Christmas, vanoti kusavapo kweboka iri kunoita kuti vamwe vanhu vashaye kwekunosvitsa zvichemo zvavo.

VaChristmas vanoti sesangano rinorwira kodzero dzevanhu, vari kutobatsira veruzhinji kuendesa zvichemo kumatare nekukomishini yeZimbabwe Human Rights Commission.

Rimwe gweta rinoshanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanotiwo kuti veruzhinji vasambunyikidzwe kodzero dzavo, boka reIndependent Complaints Mechanism rofanirwa kugadzwa nechimbichimbi sezvo nguva yareba risati ravapo.

Murwiri wekodzero dzevanhu, VaDzikamai Bere, vanoti kushaikwa kweboka iri kunoita kuti vanoshaya vanenge vashungurudzwa, vashaye kwekusvitsa zvichemo.

Mumagwaro akabudiswa nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum muna Chivabvu anoratidza kuti mapurisa ndiwo aive pamberi pekutyora kodzero dzeveruzhinji mugore ra2017.

Masangano akazvimirira anoti ari kushushikanawo nekuurayiwa nemasoja kwevanhu vanosvika gumi mumhirizhonga yakaitika musi wa Nyamavhuvhu 1, 2018 muHarare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakadoma komisheni yevanhu vanomwe kuti iongorore zvakaitika musi uyu, kunyange hazvo vamwe vachiti komisheni iyi yakadomwa zviri kunze kwemitemo, uye ine vamwe vavo vasingavimbike kuti vangaite basa ravo vakazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG