Accessibility links

Breaking News

Nhandare Huru yeNdege Yopihwa Zita raVaMugabe


Zimbabwe Politics
Zimbabwe Politics

Nhandare yeHarare International Airport yapihwa zita idzva uye ichange yave kudaidzwa kuti Robert Gabriel Mugabe International Airport.

Vachitaura pakuchinjwa kwaitwa zita renhandare yeHarare International Airport kupinda muzita ravo panhandare yendege iyi, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati vanofara zvikuru kuti vapihwa ruremekedzo urwu.

Nhengo yeboka revechidiki muZanu PF, VaTongai Kasukuwere, vanoti kuchinjwa kwaitwa zita renhandare yendege hombe munyika kupinda muzita raVaMugabe, chinhu chakakodzera pakatariswa nhoroondo yaVaMugabe neruremekedzo rwavanovapa mubato ravo.

Gurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, VaWalter Mzembi, vati hapana chinoshamisa kuti nhandare yendege iyi yapihwa zita remutungamiri wenyika sezvo zviri zvinhu zvakaitikawo kune dzimwe nyika idzo dzakapa mazita enhandare dzendege kuvanhu vakashanda zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika munyika dzavo.

Mashoko aburitswa nebato guru rinopokisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai anoti hazvikodzere kuti nhandare iyi ipihwe zita remutungamiri wenyika nepamusana pekuipa kwavanoti kwakaita hutongi hwavo.

MDC T inoti zvinotoshamisa kuti nhandare yendege iyi yachinjwa zita kuiswa muzita raVaMugabe avo bato iri rinoti vane migwagwa yakaiswa muzita ravo mumaguta nemadhorobha mazhinji munyika.

MDCT inoti izvi zvava kuita sekuti VaMugabe vave kutora nyika yose kuisa muzita ravo.

Mutauriri webato iri, va Obert Gutu, vanoti zviri kuitwa mu Zanu-PF ndezvokuda kuti Zimbabwe ive mumaoko emhuri yekwa Mugabe zvachose.

Vanoshorawo zvavanoti zvirongwa zve Zanu-PF zvekuda kuti mudzimai wava Mugabe arambe achikwiridzirwa kuti ave mutevedzeri wemutungamiri wenyika kana kutozova mutungamiri wenyika kana vaMugabe vabva pachigaro.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro NaVa Obert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG