Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorangarira Muchakabvu Dr Joshua Nkomo


The late Joshua Nkomo
The late Joshua Nkomo

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vabatana neveruzhinji mukurangarira mushakabvu, Dr Joshua Mqabuko Nyongolo Nkomo, avo vatsanangura segamba rehondo yerusununguko raida kuti vanhu vose vemuZimbabwe neAfrica vagare murunyararo.

VaNkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vakashaya muHarare musi wa1 Chikunguru muna 1999 vakavigwa paHeroes Acre.

Vachinyora pandemutande ravo reTwitter, VaMnangagwa vati vachaedza kuramba vachitevedza zvido zvaVaNkomo zvekubatanidza vanhu, rudo pamwe nekuti vanhu vagare murunyararo.

Vatiwo VaNkomo vakararama hupenyu hwavo hwese vachirwira rusununguko vakati ndangariro dzanhasi dzinoitwa apo Zimbabwe neAfrica dziri kuchema rimwe gamba rehondo neshamwari yaVaNkomo, vaive mutungamiriri weZambia, VaKenneth Kaunda, avo vakashaya mwedzi wapfuura.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJonstone Chirwa, vaudza Studio 7 kuti VaNkomo munhu akabatanidza nyika uye paifanirwa kuitwa mhemberero munyika yese.

Mutauriri webato reZapu iro raitungamirirwa naVaNkomo munguva yehondo, VaIpithule Maphosa, vaudza Studio 7 vari kurangarirawo vamwe vakuru vakuru vebato reZapu vakaita saVaDumiso Dabengwa naVaNikita Mangena.

Vatiwo sebato vanoshuvira kuti zuva ranhasi riitwe zuva rekuzorora, National Holiday, kuitira kuti vanhu varangarire nekuendesa mberi maonero aVaNkomo nezvavaishuvira

Vati VaChibwe Chitedza sekuziknawa kwaitwa VaNkomo, munhu aisema huwori.

Mutevedzeri wemutaururi weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinokoshesa zvikuru basa rakaitwa naVaNkomo vachiti munhu aida kuti vanhu vagare zvakanaka vachikwanisa kusarudza vatungamiriri vavanoda.

VaNkomo, avo vaitungamira Zapu, vakashungurudzwa zvikuru nehurumende yemushakabvu, Va Robert Mugabe, kuma 80s apo VaMnangagwa vaive gurukota rekuchengetedzwa kwenyika, bazi raikokera mashandiro evasori munyika.

Zita raVaMnangagwa rinogara rakataurwa pose panotaurwa nyaya yeGukurahundi iyo yakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa mumatunhu eMidlands neMatabeleland.

Mhirizhonga iyi yakaita kuti VaNkomo vabude munyika vachitiza vachityira hupenyu hwavo.

VaNkomo vakazoita nhaurirano naVaMugabe vakasainirana chibvumirano cherunyararo muna 1987.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG