Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau dzeMifananidzo Orangarira VaTsvangirai


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mumwe mutori wenhau dzemifananidzo anoshanda akazvimirira ega, Zinyange Auntony, aisa mimwe mifananidzo yaakatora mushure mekufa kwaVaMorgan Tsvangirai padande-mutande rake senzira yekuvaremekedza pamwe nekuvarangarira.

Zinyange anoti kuziva VaTsvangirai kwaaita kwaibva mune zvaitaurwa pamusoro pavo nenhepfenyuro nemapepanhau zvehurumende.

Asi nekufamba kwenguva uye nekuzove kwake mutori wenhau dzemifananidzo Zinyange anoti akazove nemaonero ake aVaTsvangirai akasiyana neaachinzwa kubva muvanhu.

Pakafa VaTsvangirai, Zinyange anoti aive muguta reBukawayo.

Zinyange anoti semunhu anoziva zviitiko zvakakosha munyaya dzekutapa nhau akaona zvakakosha kuti aende kuHarare kuti atore mifananidzo yekuchemwa kwaVaTsvangirai ikoko.

Nekuda kwekuona mhomho nemhomho yevanhu vaida kuenda kunoviga VaTsvangirai kumusha kwavo kuBuhera, Zinyange anoti akaona zvakakodzera kuendawo kunyange hazvo achiti aive asina kunge agara akazvigadzirira.

Muna Mbudzi wegore rakapera Zinyange ndemumwe wevatori venhau dzemifananidzo gumi chete vemunyika yemuAfrica vakaburitswa mubepanhau rine mukurunbura reThe Washington Post nekuda kwebasa ravo.

Mumwe mufananidzo wake wakaburitswawo zvekare neTime Magazine pakati pemimwe zana yeTime 100 Photos of 2018.

Mubasa rake akatora mifananidzo yakawanda yaVaTsvangirai nevamwe vakuru vakuru kusanginisira vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zinyange anoti zvimwe zvezvinhu zvaiyemurika pana VaTsvangirai kuve munhu aizvininipisa zvisinei nekuti vaive mutungamiri ane mukurumbira.

Anoti nguva yakashanyira VaTsvangirai kuBinga mugore ra2017, ndeimwe yaanonyanya kuvarangarira nayo.

Zinyange anoti mubasa rake anoshanda asina divi raakarerekera. Asi anoti akaisa mifananidzo yaakatora pakufa kwaVaTsvangirai padandemutande rake senzira yekuvapawo ruremekedzo rwake achiti anoona zvakakodzera nekuti vaive munhu akanaka.

Pamubvunzo wekuti iye ane maonero api pakuenzaniswa kunoitwa VaTsvangirai naVaMugabe, Zinyange anoti sevanhuwo vaviri ava vane zvavakagona nezvavakatadza.

Asi anoti VaTsvangirai vanofanirwa kurangarirwa semunhu akarwira kodzero dzevanhu vese zvisina vakawanda vakaita apo zvaive zvakaomesesa kuita izvi.

Zinyange anoti mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vane zvakawanda zvekudzidza kubva kuna VaTsvangirai.

Mubasa rake Zinyange anonyanya kufarira kutora mifananidzo ine chekuita nezvekodzero dzevanhu, zvemamiriro ekunze pamwe nekuchengetedzwa kwezviwanikwa.

Mumwe mufananidzo waakatora wemumwe musoja achirova mumwe wake kumusana achimurambidza kupfura vanhu pakuratidzira kwakaitwa muHarare muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Mufananidzo uyu wakaita mukurumbira mukuru, sezvo wakaburitsa pachena zvakaitwa nemauto musi uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG