Zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana padare reCongress muWasxhington DC, mAmerica neChina kuzonwa mutungamiri wekereke yeRoman Catholic Pope Francis vachitaura pamberi pedare iri.
Vachitaura kunhengo dzedare iri, Papa Francis vakabata nyaya dzakawanda dzinosanganisira nyaya yekubatsira vanhu vanotambura uye kurwisana nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Vakayambira nhengo dzedare reCongress kuti dzishande pamwe chete mukurwisana nehurombo vachiti yasvika nguva yekuti hupenyu hwevanhu vanoshupika huite nani.
Papa Francis vakurudzira nyika dzepasi rose kuti dzibatsire vanhu vari kutiza hondo kunyika dzinosanganisira Syria uye vanoti nyika idzi dzinofanirwa kurwisa vanhu vanopfurikidza mwero avo vari kuuraya vamwe nechikonzero chekuti havabvumirane nemaonero avo pangava panyaya dzechitendero kana kuti magariro.
Vatizve hondo chinhu chinounza kushupika nenhamo kuvanhu vakawanda. Naizvozvo Papa Francis vanoti nyika hadzifanirwi kungotengesa zvombo zvehondo zvisina tsarukano.
Vachitaura nenyaya yekubatsira vanhu vanobva kune dzimwe nyika, Papa Francis vati ivo pachavo vakaberekwa nevanhu vaibva kunyika isiri yavaka berekerwa.
Naizvozvo vanoti nyika dzepasi rose dzinofanirwa kubatsira vanenge vachiuya kunyika idzodzo nezvinangwa zvakasiyana siyana.
Vamwe vakauya kuzoterer Poe Francis vachitaura ndimuzvare Valencia Meredith avo vanoti vafara zvikuru nemashoko aPapa Francis zvikurusei kurudziro yekuti vanhu vanofanirwa kugara murunyararo vachibatsirana uye murudo.
Vachibva kuCongress Papa Francis vakaenda kunosangana nevanhu vasina nzvimbo dzekugara.
Zvichakadaro vamwe vari pamusangano wemhuri uchataurwawo naPope Francis uri kuPhiladelphia vanoti uri kufamba zvakanaka uye vari kutarisira kusangana naPapa Francis nemusi weMugovera.
Mumwe wevanhu ava ndi Father Cloud Maganga vaudza Studio 7 kuti vari kufadzwa nezwi nezvidzidzo zvinokurudzira kubatana kwemhuri.
Pamusangano uyu pane vanhu makumi matatu kubva kuZimbabwe nechitendero chechi Roma.
NeChishanu Papa Francis vachataura pamberi pemusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York.