Mabharani mukuru wenyika, VaClement Masango, vanoti bazi ravo riri kubatwawo nekushaikwa kwemari yekunze izvo zviri kuita kuti vatadze kushanda nemazvo.
Asi vanoti hapana chizvarwa chemunyika chinofanirwa kushaya magwaro ekuzvarwa nechikonzero kana chipi zvacho.
Vachitaura kuvatapi venhau muBulawayo neChitatu mushure mekushanyira mahofisi avo mudunhu iri, VaMasango vati bazi ravo riri kusangana nezvimhingamupinyi zvakawanda, zvinosanganisira kushomeka kwevashandi pamwe nenzvimbo dzekushandira.
VaMasango vati pari zvino pane vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi matanhatu vakamirira kuti vawane magwaro avo ekufambisa.
Vati zvisinei kuti vanoti munhu anoda gwaro rekufambisa anofanirwa kuriwana mukati mevhiki ina, bazi ravo rakakwanisa kupedzisira kupa magwaro aya muna Kubvumbi vachitiwo kushaikwa kwemari yekunze kuri kuita kuti vatadze kugadzira magwaro aya.
Pamubvunzo wekuti kune nyaya yekuti vamwe vanhu vari mumatunhu eMatebeleland vanonetseka kuwana magwaro ekuzvarwa nekuda kwenhoroondo yeGukurahundi, VaMasango vati vanoziva nezvenyaya iyi asi vati bazi ravo riri kuita zvose zvarinogona kuti munhu wose awane magwaro ekuzvarwa.
Vati hapana chizvarwa chemunyika chinofanirwa kushaya magwaro ekuzvarwa nekuda kwechikonzero kana chipi zvacho.
Panyaya yekuti vanhukadzi vakawanda vanotadza kutora magwaro evana vavo ekuzvarwa kana vaenda kumahofisi aRegistrar General vasina vana baba vevana avo, VaMasango vati mutemo wemunyika unobvumidza mubereki mumwe chete kunyange munhukadzi kuti akwanise kutora magwaro aya pasina dambudziko.
VaMasango vabvuma kuti vanoziva kuti bazi ravo nderimwe rinoonekwa neveruzhinji serine huwori hwakakura vakati vari kutora matanho akasiyana-siyana kusanganisira kuti vashandi vebazi iri vave vanopfeka maunifomu uyewo kuita kuti vanhu vakwanise kuwana magwaro akasiyana-siyana avanoda vachishandisa macomputer senzira yekuedza kubvisa huwori uhu.
Kunze kwenyaya yehuwori vanhu vakawanda vanosishorawo mabatirwo avanoitwa nevashandi vekwaRegistrar General. Asi vamwe vanhu vange vachida kubatsirwa pamahofisi aRegistrar Generral vaudza Studio 7 kuti vari kufadzwa nekwavati kushanda zviri nani kwave kuitwa nevashandi vebazi iri.
Mumwe wevanhu ava, mugari wemuBulawayo, VaCarl Malotane, avo vati vakwanisa kubatsirwa munguva pfupi.
VaMasango vakadomwa kuve Registrar General muna Gumiguru vachitsiva VaTobaiwa Mudede avo vakaendeswa pamudyandigere mushure mekunge vagara pachinzvimbo ichi kwemakore akawanda.
Facebook Forum