Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuRedcliff Vochema neKushaya Mvura kweMwedzi Yakawanda muDzimba Dzavo


Vagari vemuRedcliff vanoti vave nemwedzi yakawanda vasati vawana mvura mudzimba dzavo.
Vagari vemuRedcliff vanoti vave nemwedzi yakawanda vasati vawana mvura mudzimba dzavo.

Vagari vemudhorobha reRedcliff vanoti vave kutyira hutano hwavo sezvo vave nemwedzi yakawanda vasingawane mvura mudzimba dzavo.

Vamwe vagari vemuRedcliff vataura neStudio 7 vati kushaikwa kwemvura mudhorobha iri kuri kuunza matambudziko akawanda uye kuri kuisa hutano hwavo panjodzi.

Mumwe mugari anove mudzimai wechidiki uyo angozvidoma nezita rekuti Grace, ati vanhukadzi nevanasikana ndivo vanonyanya kuomerwa nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.

Ati vanasikana vanofamba kuenda kunzvimbo dziri kure vachitsvaga mvura panguva dzisina kufanira izvo zvinovaisa panjodzi yekubatwa chibharo, akatiwo kushaikwa kwemvura kunoisa hutano hwavo panjodzi.

Muzvare Grace atiwo vamwe vanhu vave kutora mukana wedambudziko rekushaikwa kwemvura iri kuti vaite mari izvo vati zvinoomesera vakawanda.

Mumwe mugari, Amai Melissa, vati dambudziko rekushaikwa kwemvura rave nenguva yakareba riripo. Vati vamwe vagari vakaisa zvibhorani padzimba dzavo. Asi vati izvi zvinovaisa panjodzi sezvo pane mvura ine tsvina inosangana nemvura iyi.

Mumwezve mugari variwo murwiri wekodzero dzevanhu VaTendai Mbofana, vanoti kanzuru haizi kutaura zvinonzwisisika kana kubuda pachena panyaya yedambudziko iri.

Asi meya weRedcliff, VaClayton Masiyatsva, vaudza Studio 7 kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura mudhorobha iri rine nhoroondo inodzokera kumakore akawanda nekuda kwekuti dhorobha iri harina kwarinowana mvura yaro rega izvo zvinoita kuti zvidhurire kanzuru kuwanisa vanhu mvura.

VaMasiyatsva vatiwo vagari vane chikwereti chakakura kukanzuru vachiti izvi zvinoitawo kuti kanzuru iomerwe pakuita nemazvo mabasa ainotatisirwa kuita nevagari.

Redcliff idhorobha rakavepo nekuda kwekuvepo kwekambani yaichera nekugadzira simbi yeZiscosteel iyo yaive imwe yemakambani makuru munyika.

Vagari vemudhorobha iri vakawanda vaishanda mukambani iyi asi kuvharwa kwayo kwakaita kuti zvinhu zvisare zvave manyama amire nerongo.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG