Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zimbabwe Iri Kuedza Kurwisa Kuitwa kweVanhu Nhapwa


VaRex Tillerson
VaRex Tillerson

America inoti hurumende yeZimbabwe iri kuita basa guru mukudzivirira kuburitswa kwevanhu munyika vachinoitwa nhapwa.

Asi America inotiwo Zimbabwe inofanira kusimbaradza mitemo yayo nekukanda mujere vese vanopara mhosva iyi.

Mumwe mushandi mukuru pamuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Krista Fisher, vati hurumende yavo kuburikidza nebazi rinoona nezvekunze kweAmerica, State Department, yakwidza Zimbabwe pachinhanho chepamusoro, kana kutiTier 2, muongororo inotwa neAmerica gore rega rega yekutengeswa kwevanhu kuti vanoita mabasa avanenge vasingadi.

Amai Fisher vati 2017 Trafficking in Person Report iyo yakaparurwa neChipiri negurukota rinoona nezvekunze kweAmerica, VaRex Tillerson, inoratidza kuti kunyange hazvo Zimbabwe isati yaita zvose zvinodiwa kudzivirira dambudziko iri, iri kuita zvakawanda kuderedza dambudziko.

Zimbabwe yakaumba komiti yemakurukota ehurumende,ye Anti-Trafficting Inter- Ministerial Commitee, kuti igadzirise dambudziko iri uye komiti iyi yave kushandawo iri mumatunhu akawanda munyika.

Hurumende iri kuitisawo zvidzidzo kune veruzhinji, vatapi venhau, nemapazi ehurumende ichipa ruzivo rwekuti chii chavangaite kudzivirira kuburitswa munyika kwevanhu vachiendeswa muhutapwa kana kunobatwa chibharo kunze kwenyika.

Munguva pfupi ichangopfuura, hurumende yakabatsira madzimai zana nemakumi maviri vainge vari kugara muhutapwa kuKuwait nevana vashanu kuSudan.

Amai Fisher vakurudzira hurumende kuti irambe ichiita basa rakanaka kudai.

Asi vati Zimbabwe inofanira kusimbaradza mitemo yayo yakaita seTrafficking in PersonsAct neLabour Relations Amendment Act kuitira kuti vanopara mhosva iyi vapihwe mitongo yakaomarara.

Kunyange hazvo paine nyaya makumi mana nembiri dzekupamba vanhu vachiendeswa kunze nevanhu makumi maviri nemumwe vari kupomerwa nyaya idzi, hapana kana mumwe chete ati abatwa nemhosva.

America inoti huwori mumatare nemapurisa ndizvo zviri kuita kuti vanoparara mhosva idzi vapunyuke.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvevashandi nemachengeterwe akanaka evanhu, Amai Priscah Mupfumira, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mugwaro rayo America inoti zvinofadza kuti hurumende yeZimbabwe iri kuongorora vanhu vari kupinzwa mabasa kuti vanoshandira kunze kwenyika uye gore rino chete yakakwanisa kudzivirira kuburitswa kwevanhu vakawanda munyika mushure mekuona kuti vaigona kunobatwa senhapwa.

Amai Memory Mwale avo vanoshandira sangano reInternational Orgnisation for Migration muZimbabwe varumbidzawo hurumende yeZimbabwe nekukwidziridzwa kwayaitwa pachikero chekudzivirira kutapwa nekuburitswa kwezvizvarwa zvayo munyika.

Kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvichitorwa zvichinoshandiswa senhapwa kune dzimwe nyika dzakaita seKuwait, Sudan neSouth Africa, pane zvizvarwazvedzimwe nyika dzakaita seMozambique, Democratic Republic of Congo, Somalia neChina zviri shandiswawo senhapwa muZimbabwe.

Munyori mubazi rinoona nezvemukati menyika, VaMelusi Matshiya, vakaudza paramende munguva pfupi yapfuura kuti vari kuedza napose pavanogona napo kudzivirira kubuda kwevanhu munyika vachinoitwa nhapwa kana kubatwa chibharo kunze kwenyika.

Vanhu vakawanda vanovimbiswa mabasa anobhadhara mari yepamusoro kana kuvimbiswa nzvimbo dzechikoro kunze uko vanogumisira vave kubatwa senhapwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG