Accessibility links

Breaking News

VaGono Vanoramba Kuti Vakaba Mari yeGoridhe kuRBZ


gono
gono
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, neChipiri rakaramba mashoko ekuti pane goridhe rakashaikwa mubhanga iri richiti mashoko emanyepo aya ari kuburitswa nemumwe aimboshandira bhanga iri uyo akadzingwa basa.

Bhanga iri harina kudoma zita remushandi uyu. Asi VaGono vakamboti havo ndiVaMunyaradzi Kereke avo vaimbova chipangamazano chavo.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weRBZ muHarare papera musangano webhodhi rebhanga guru renyika iri, VaGono vati vanhu vari kuti pane goridhe rakashaikwa havasi kuziva kuti goridghe iri rakatakurwa sei kubva kumuzinda weRBZ wakare kuenda kumuzinda mutsva.

Mashoko aVaGono aya atsinhirwa nemumwe mutevedzeri wavo VaKupukile Mlambo, avo vati ongororo yakaitwa nenyanzvi inoratidza kuti mashoko ekuti pane magiramu anodarika mazana mana egoridhe ari mumhando yemacoins yakanyangarika mubhanga iri haasi echokwadi.

Pane mashoko ari kubuda mumapepanhu epamadandemutande ekuti pane mari dzegoridhe kana kuti gold coins dzakatsakatika mubhanga guru renyika iri. VaGono ndivo vari kupumwa huroyi asi vari kuti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaGono varambawo mashoko ekuti gurukota rinoona nezvevasori VaSydney Sekeramai vari kuvapomerawo mhosva yekunyangarika kwemari iyi, vakati VaSekeramai vanoziva chokwadi chaicho.

Hatina kukwanisa kubata VaSekeramai kuti tinzwe divi ravo. Gavhuna weRBZ ati musangano webhodhi wavaita wange wakananganawo nekujekesera veruzhinji nezvemari yegoridhe iyi. VaGono naVaMlambo vataridza vatori venhau mari dzegoridhe kana kuti gold coins uye vati imwe yacho yakatangwa kuchengetwa nenyika kubva kumakore ekuma 1894.

Mune imwewo nyaya, VaGono vati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti nyika iri kutenga zvinhu zvakatopera kugadzirwa kunze kwenyika asi ichitadza kusimudzira maindasitiri ayo.

Maindasitiri mazhinji emuno ari kutadza kushanda izvo zvave kuita kuti vanhu vasawane mabasa pamwe nekuti nyika itenge chakafu nezvekushandisa kunze kwenyika.

VaGono vazivisawo kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka mumabhanga uye vanhu vari kuchengeta mari mumabhanga vari kuramba vachiwanda.

Vatiwo kunyange hazvo vachibvumirana nechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema, vatiwo chirongwa ichi chinofanira kuitwa zvakanaka. VaGono vagara vachinetsana naVaKasukuwere panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

VaGono negurukota rezvemari VaTenda Biti vanoti VaKasukuwere vanofanira kunyatsobata nyaya yemabhanga zvakanaka kwete zvavo zvejambanja sezvo zvichigona kuti hupfumi hugwadame.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG