Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokwidza Mari yeMapasipoti


Zimbabwe Passport
Zimbabwe Passport

Dare remakurukota rakabvumirana neChipiri kuti mari inobhadhariswa veruzhinji kutora mapasipoti ikwidze kubva iyezvino zvichienda mberi panguva iyo veruzhinji vachiti vave nenguva vakamirira kuti mapasipoti avo abude.

Vachitaura nevatori venhau nezuro manheru mushure memusangano wedare remakurota ehurumende sachigaro wekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko mudare iri uye vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati dare remakurukota rakabvumirana kuti bazi rezvemari ribuditse mari inodarika mamiriyoni matanhatu emadhora ekuAmerica kuti patengwe zvinodiwa mukugadzirwa kwemapasipoti kuitira kuti akurumidze kubuda.

Mashoko aAmai Mutsvangwa akatsinhirwa negurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe.

VaKazembe vakati vakanga vakabhadhara kare mari dzekutora mapasipoti havasi kuzonzi vawedzere imwe.

Vanotiwo kugadzirwa kwemapasipoti nenguva kuri kutadziswa nekuti bazi ravo harina zvikwanisiro zvinodiwa sezvo vari kutatarika kuwona mari dzekunze.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vaivepowo pamusangano uyu vakaudza vatori venhau kuti hurumende itori nemari iri kudiwa iyi.

VaKazembe vakatiwo kana vakapihwa mari iyi vanoda kusvika muna Chikumi wegore rino vagadzira mapasipoti ose asati abuda anosvika zviuru mazana mana.

Danho ratorwa nehurumende iri rinouya apo vanhu vazhinji vave nenguva yakareba vakamirira kuti mapasipoti avo abude uye vazhinji vachirara mumitsetse yekutora mapasipoti munzvimbo dzakasiyana munyika yose.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti havaone kuwedzerwa kwemari yemapasipoti kuchibatsira.

Zvichakadai, dare remakurukota rakawiriranawo zvakare kuti vese vane migodhi yavasiri kubhadharira mitero vachatorerwa kana vakasvika mukupera kwaKubvumbi vasina kubhadhara mitero kuhurumende. Izvi zvinotsinhirwa negurukota rinoona nezvemigodhi, VaWinstone Chitando, avo vanoti vese vasina kubhadhara mitero yavo vane mukana wekuita izvi munguva yakatarwa nedare remakurukota nezuro.

VaChitando vanoti vanhu vasiri kubhadhara mitero yavo yemigodhi kuhurumende vane chikwereti chinodarika mamiriyoni maviri emadhora.

Dare remakurukota rakazeyawo bhiri reCentre for Education, Research, Innovation and Development iro richaita kuti ana mazvikokota vari muhurumende vange vachiungana vachiita tsvagiridzo mune zvedzidzo zvinotarisirwa kuti zvizenge zvichiitika kuti nyika isimukire kubudikidza nekushandiswa kwezviwanikwa zviri munyika zvinonzi nedare remakurukota zvichaita kuti veruzhinji vagozowana mabasa panosvika gore ra2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG