Accessibility links

Breaking News

Mvura Yakanaka kuMasvingo Younza Mufaro Mudunhu Iri


Zimbabwe drought

Svondo rino rakaunza mufaro mukuru kuvagari vemumatunhu akawanda ekuMasvingo zvichitevera kunaya kwemvura.

Vagari vazhinji mumaruwa akaita seGutu, Bikita, Zaka, Chivi, Mwenezi neChiredzi, vakange voora moyo sezvo zvirimwa zvanga zvapera kutsva nezuva, zvipfuwo zvichifawo nekushaya mvura.

Asi pakutanga kwesvondo rino, mvura yakanaya zvikuru munzvimbo zhinji dzekuMasvingo, varimi vakawanda vakabva vatangawo kurima patsva.

Mumwe wevarimi ava muraini rekwaZvidzai kwaBhasera, VaGodfrey Madzikanda, vanoti vange vaomerwa nekusanaya kwemvura.

Murimi wekuMwenezi, VaHlekani Baloyi, vanoti minamato yavo yakanzwikwa nekuti mombe dzavo dzange dzofa nekushaya mafuro manyoro.

Varimi vazhinji vanoti zvirimwa zvavakange vakarima gore rapera zvakange zvapera kutsva nezuva nekudaro vakarasikirwa zvikuru nembeu iyo yave kudhura.

Murimi wekuZaka munzvimbo yekwaBvukururu, Amai Felistas Manatsa, vanoti vane tarisiro yekuti nekuchinja kwakaita mwaka yekunaya kwemvura, vachine tarisiro yekuti zvavari kurima patsva zvichavapa goho rakanaka.

Kunyange hazvo vanhu vari kufara kuti mvura yava kunaya, VaThomas Mbetu vanoti hazvichina zvazvinovabatsira nekuti nekudhura kwembeu havachakwanisi kutenga imwe mbewu nepamusana pekushaya mari.

Mumwe murimi, Va Hardlife Mapingure, vanoti dai mvura iyi yaramba ichinaya nokuti ikasanaya zvakanaka gore rino, vanhu vanoshaya goho votarisana nenzara.

Bhazi remamiriro ekunze rinoti nzvimbo zhinji munyika dzichange dzichiwana mvura yakawanda yekunaya.

Bazi iri rinotiwo nzvimbo dziri kuchamhembe kwenyika dzakaita seMasvingo, Matabeleland South neBulawayo dzingangoita mvura ine mabhanan’ana nemafashamu.

Kusanaya kwemvura gore rapera kwakakonzera nzara muvanhu uye mombe dzinopfuura zviuru gumi nemakumi mashanu mudunhu reMasvingo dzikafa.

Izvi zvakasiya vanhu mazana manomwe ezviuru mudunhu iri vachida rubatsiro rwechikafu.

Sangano reWorld Food Program rinoti munyika mose vanhu vanosvika mamiriyoni masere vanoda rubatsiro rwechikafu kusvika mwaka wekukohwa, ndokana nyika yawana goho rakanaka gore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG