Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti havasi kuzodaidzira sarudzo dzechimbi-chimbi sezviri kudiwa nemapato anopikisa hurumende yavo pamwe nevaratidziri.
Vachitaura pamusangano wekomiti yepamusoro-soro mubato reZanu PF yeCentral Committee pamusangano waitirwa pamuzinda webato iri, VaMugabe vati nyangwe zvizvarwa zveZimbabwe zvikaratidzira zvakaita sei havasi kuzofa vakasiya chigaro kana kushevedzera sarudzo itsva vachiti veruzhinji vakataura zvido zvavo pasarudzo dzemuna 2018.
Vati mapato anopikisa pamwe nevari kuratidzira vachiti varikuda sarudzo itsva vanofanira kumirira kusvika muna 2018 kwete kumhanyira kumedza kutsenga kuchada.
Hatina kukwanisa kutaura nevemapato anopikisa kuti tinzwewo pfungwa dzavo panyaya iyi.
Uku VaMugabe vachitaura izvi, boka re#Tajamuka/Sijikile ranga richiratidzira pakati pedhorobha richiti VaMugabe vanofanira kusiya basa.
Varatidziri ava, avo vanga vachisvika makumi mashanu vatangira kuratidzira pedyo nemahofisi akanzuru yeHarare vakakwidza nemunaNelson Mandela vakananga kuparamende.
Vazorwisana nemapurisa pavasvika panosangana migwagwa inoti Nelson Mandela naSam Nujoma apo mapurisa akanda hutsi hunokachidza uku varatidziri ava vachirova mapurisa nerekeni kana kuti ndandi zvaita pave nekumhanyisana kwechinguvana pakati pemapurisa nevaratidziri ava.
Mumwe anga achitungamira kuratidzira kwanhasi, VaSilvanos Mudzvova, vaudza Studio 7 kuti havasi kufarawo nekupindira kuri kuita vari muhurumende munyaya dzekutongwa kwedzimhosva vachiti vacharamba vachiratidzira kudzamara VaMugabe vasiya chigaro.
Mumwe wevaratidziri ava, VaHardlife Mudzingwa, vaudza Studio 7 kuti pane nhengo dzeTajamuka nomwe dzakuvara mukuratidzira uku uye vatsinhira mashoko aVaMudzvova vachiti VaMugabe havana masimba ekutaura kuti havabve pachigaro kana veruzhinji vachida kuda vabve.
Hatina kukwanisa kunzwawo divi remapurisa kuti tinzwe kuti mapurisa mangani akuvara pachiitiko ichi.
Kuratidzira kwanhasi kunouyawo apo dare rakatura mutongo wekuti mutemo wakadzikwa nemapurisa wekuti pasartidzirwe muHarare kwemasvondo maviri hausi pamurawo kunyangwe hazvo mapurisa akapihwa mazuva manomwe ekugadzirisa nzira yaangashandisa kugadzira mutemo uyu urikudaidzwa kuti Statutory Instrument 101A.
Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mutongi wedare repamusoro VaJoseph Musakwa nhasi vapa mukana wekubvisa mari yechibatiso inosvika zana remadhora kune vanhu vana vakasungwa mukuratidzira kwakaitika musi wa 26 Nyamavhuvhu.
Vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso ava ndiAmai Kerina Gweshe, VaTonderai Chakeredza, VaArthur Chingwari naAmai Loveness Mahlepu. Kuratidzira uku kwainge kwakarongwa nemubatanidzwa wemapato anopokisa anozivikanwa nekuti National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA.
Asi chikumbiro chaiswa kudare iri nemutauriri wesangano retajamuka VaPromise Mkwananzi chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chanzi chichanzwikwa musi wa 14 Gunyana. Mune imwe nyaya yange iri kumatare, nyaya yaMuzvare Linda Masarira nevamwe gumi yanziwo ichanzwikwa musi wa19 Gunyana. Muzvare Masarira vagara mujeri kubva musi wa 6 Chikunguru.