Hurumende yaisa chikumbiro mudare chekuti gweta remutori wenhau, Hopewell Chin’ono, Amai Beatrice Mtetwa, vamiswe kumirira Chin’ono mudare ichivapomera mhosva yekunyora zviri kuitika mudare padandemutande reFacebook.
Chikumbiro chaitwa nedare ichi chatadzisa kuti chikumbiro chaChin’ono chekuti atongwe achibva kumba chinzwikwe.
Muchuchisi panyaya iyi iri kupomerwa Chin’ono, VaWhisper Mabhaudhi, vatadzisa kuti chikumbiro chaChin’ono chekuti atongwe achibva kumba chienderere mberi nekunzwikwa mudare nhasi mushure mekuisa chikumbiro chekuti Amai Mtetwa vamiswe kuve gweta panyaya yaChin’ono.
Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, VaMabhaudhi vaudza dare kuti Amai Mtetwa vakanyora papeji repadandemutande reFacebook rakanzi “Beatrice Mtetwa and the rule of law” mashoko ane chekuita nezviri kuitika mudare panyaya yaChin’ono iyo nyaya isati yapera zvavati zvinokanganisa kufambiswa kwenyaya mumatare.
Asi Amai Mtetwa varamba mashoko aya vachiti peji iri havasivo vanorinyora vachiti ipeji rakagadzirwa nemutori wenhau weBoston Videos wekuAmerica, Lorrie Cornway, uyo akaita firimu pamusoro pebasa ravo.
Izvi zvatsinhirwa naChin’ono paatora chituru chehufakazi achiti ndiye mumwe akabatsira mukuitwa kwefirimu iri uye Amai Mtetwa havangapihwe mhosva isinei navo.
Chin’ono aenderera mberi achiti hurumende haina kuita tsvagiridzo yakakwana kuti peji iri nderani achiti hurumende yaifanira kunge yakaita tsvagiridzo yakakwana isati yaunza nyaya iyi kudare.
Chin’ono audza dare kuti chikumbiro chaitwa nehurumende ichi chikumbiro chisina musoro uye chikumbiro chaitirwa kuti nyaya yake inonoke kufamba mudare achiti zvaitwa nehurumende izvi zvinoratidza kuti haasi kuwaniswa mukana wekuti nyaya inzwikwe mune zvakanaka, kana kuti fair hearing.
Amai Mtetwa vaudzawo dare kuti mapurisa anga akapakatira zvombo aswera ari pamahofisi avo vachiti zvave pachena kuti hurumende iri kuedza nepainogona napo kuvhiringidza kufamba kwenyaya yaChin’ono.
Izvi zvinoteverawo hufakazi hwapihwa mudare nerimwe gweta raChin’ono, VaGift Mtisi, avo vati VaMabhaudhi vambovabvunza nyaya iyi isati yapinda mudare kuti vanozokwanisa here kumirira Chin’ono kana Amai Mtetwa vasipo.
VaMtisi vati mashoko aVaMabahaudhi aya anoratidza kuti hurumende pane zvayakaronga kuti ivhiringidze Amai Mtetwa kuita basa ravo panyaya yaChin’ono.
Zvaitika mudare zvatsinhirwa nerimwe gweta raChin’ono, Muzvare Roselyn Hanzi, vanove zvakare mukuru wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights.
Chin’ono audzawo dare kuti chikumbiro chehurumende ichi chinotyora kodzero dzake dziri mubumbiro remitemo dzekumiririrwa negweta raanenge azvisarudzira izvo zvatsinhirwa naMuzvare Hanzi.
Mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati nyaya iyi ichaenderera mberi mangwana apo Chin’ono akatarisirwa kuenderera mberi achipa hufakazi panyaya iri kupomerwa Amai Mtetwa iyi.
Chin'ono Ndiyani Chaizvo?
Chin’ono akaita zvidzidzo zvake zvekutora nhau paHarare Polytechnic akanonodza ruzivo rwebasa iri kukambani yaidhinda Horizon Magazine, pamwe nebepanhau reSunday Mail apo akange achiri kupeta zvidzidzo zvake achinyora zvemimhanzi.
Mushure mekupedza zvidzidzo zvake, Chin'ono akazowana rubatsiro rwekubhadharirwa mari yedzidzo yepamusoro soro pasi pechirongwa cheChevening Scholarship kwaakanowana Masters Degree rezvekutorwa kwenhau paCity University ku London.
Chin’ono, uyo akazopinda mune zvemafirimu enhau, kana kuti ma documentary, akazocherechedzwa nemubairo weCNN Africa Journalist mushure mekuburitsa documentary rezvechirwere cheHIV/AIDS rakakunda mamwe ma documentary ose muAfrica mumakwikwi aikokerwa neCNN.
Muna 2010 Chin’ono akanga ari paHavard University kwegore rose pasi pechirongwa che 2010 Nieman Fellow.
Chin’ono, uyo akasunga musi 20 Chikunguru, ari kupomerwa mhosva yekunzi akakurudzira veruzhinji kuti varatidzire munyika zvine mhirozhonga mukati padandemutande rake reTwitter.
Mune imwewo nyaya iri mumatare, mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe; nevamwe vavo vaviri vanoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vambenge vapihwa magwaro ekuti vasungwe mushure mekunge vatadza kumira mudare pashevedzerwa mazita avo katatu vasipo.
Gweta ravo, VaJeremiah Bamu, vazokanzurisa magwaro aya ndokuudza Studio7 kuti hurumende yanga yasanganisa mapepa pamhosva dziri kupomerwa vatatu ava zvaita kuti ivhiiringidzike.
Vatatu ava vanzi nedare vadzoke kudare musi wa26 Nyamavhuvhu apo pakatarisirwa kuti nyaya yavo ienderere mberi mushure mekunge hurumende yagadzirisa mapepa ayo.
Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo muna Chivabvu mumusha weWarren Park pamwe nekunzi vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa zvichitevera kuratidzira uku.
Facebook Forum