Accessibility links

Breaking News

Chin'ono Odzokera Zvakare Mudare Musi weChipiri


Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono
Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono

Mutori wenhau Hopewell Chin’ono acharamba ari muhusungwa kusvika neChipiri svondo rinouya pachaturwa mutongo pakuchikumbiro chehurumende chekuti gweta rake, Amai Beatrice Mtetwa, vasamumiririre vachipomerwa mhosva yekunzi vakanyora paFacebook zviri kuitika mudare nyaya iri kupomerwa Chin’ono ichiri pakati pekunzwikwa.

Chin’ono apedza kupa hufakazi panyaya iri kupomerwa gweta rake, Amai Beatrice Mtetwa, yekunzi vakanyora padandemutande ravo reFacebook vachitaura zviri kuitika mudare panyaya yake achiti peji rinonzi nehurumende nderaAmai Mtetwa harisi ravo.

Chin’ono audza dare kuti Amai Mtetwa havaikwanisa kunyora papeji refirimu rakaitwa pamusoro pebasa ravo rakanzi “Beatrice Mtetwa and the Rule of Law” sezvo vasirivo muridzi wepeji iri

Amai Mtetwa vaudzawo dare kuti kubudikidza nechikumbiro chakaitwa nedare ichi chekuti vasamirire Chin’ono panyaya iyi, hurumende iri kuedza kusarudzira Chin’ono gweta rinomumiririra zvavati zviri kunze kwemutemo uye vati hurumende iri kuedza kuti nyaya yaChin’ono inonoke kufamba nekuisa zvimhingamupinyi zvakawanda.

Amai Mtetwa vachema chema kumutongi wedare kuti Chin’ono amboendeswa kudare repamusoro achibva mujeri zvaita kuti nyaya iyi inonoke kutanga mudare nhasi.

Asi muchuchisi wenyaya iyi, VaWhisper Mabhaudhi, vati havazivi kuti sei vekumajeri vaendesa Chin’ono kudare repamusoro.

VaMabhaudhi vati nyaya iripo haisi yekutadzisa Chin’ono kuti awaniswe mukana wekutongwa zvakanaka panyaya yake, kana kuti fair hearing, sezvataurwa naAmai Mtetwa vachiti nyaya iripo ndeyekuti zvakaitwa naAmai Mtetwa hazvitarisirwe pamafambisirwo ebasa rehugweta.

Asi Amai Mtetwa, avo varamba vakatsika madziro vachiti havanei nepeji iri, vati kunyange dai nyaya yehurumende ine humbowo pamwe nehuremu, gweta rinokwanisa kumiswa basa kana nyaya yaro yaendeswa kuLaw Society of Zimbabwe kana rikabatwa nemhosva nekomiti yakazvimirira inenge yaumbwa neLaw Society of Zimbabwe kuti iferefete nyaya.

Vatiwo chimwe chinoita kuti gweta ribviswe pakumirira musungwa hunge musungwa asarudza kumiririrwa nerimwe gweta uye kana mutongi wedare achinge achinyunyuta nehunhu hunenge huchiratidzwa negweta.

Pasina izvozvo, Amai Mtetwa vati hurumende iri kuedza kubatisa mutongi wedare zimbe remoto.

Mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati vachatura mutongo wavo neChipiri svondo rinouya vachiti vanoda nguva yakakwana yekuti kuzeya zvasvitswa kudare.

Vatiwo havana masaisai eindaneti kumba kwavo kuitira kuti vakwanise kukurumidza kutura mutongo panyaya iyi.

Zvaitika mudare zvatsinhirwa nerimwe gweta raChin’ono, VaGift Mtisi.

VaMtisi vati kusvika pari zvino havasati vakwanisa kupa Chin’ono chikafu kujeri zviri kuita kuti ararame nemabhisikiti nemvura chete kunyange hazvo vamwe vasungwa vese vari kukwanisa kuwaniswa chikafu kubva kunze.

Mushure memutongo waVaNduna wakatarisirwa neChipiri panyaya yaAmai Mtetwa iyi, Chin’ono akatarisirwa kutanga kupa humbowo hwake hwemamiriro akaita zvinhu mumajeri apo mudare muchange muine mutongi nemagweta chete sezvo VaNduna vakatura mutongo wekuti vatori venhau pamwe neveruzhinji vasingabvumirwe kunzwa zvichapupurwa naChin’ono vachiti zvaachataura zvinogona kukanganisa kuchengetedzeka kwenyika, majeri, vashandi vemumajeri pamwe nevasungwa.

Mune imwewo nyaya yapinda mudare repamusoro soro, mutongo wedare iri, Justice Charewa, vatura mutongo wekuti hurumende nemapazi ayo inofanirwa kubvumidza Chin’ono naVaJacob Ngarivhume kuonekwa nemagweta avo, vana chiremba vavo pamwe nekupihwa chikafu nehama dzavo.

Justice Charewa vatiwo hurumende nemapazi ayo inofanirwa kuremekedza kodzero dzaChin’ono naVaNgarivhume dzekutaura zvakavandika nemagweta avo, uye hurumende haifanirwe kunge ichinzwa zvinenge zvichitaura pakati pevasungwa ava nemagweta avo.

Vatiwo hurumende inofanirwa kubvumidza vasungwa ava kushanyirwa nehama dzavo munguva dzakatarwa nemitemo yemajeri.

Chin’ono naVaNgarivhume vanga vakamirirwa negweta ravo Advocate Taurai Nyamakura, ukuwo hurumende yakamirirwa naVa J. Bhudha.

Chin’ono naVaNgarivhume vakasungwa musi 20 Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu varatidzire paine chinangwa chekubvisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Nyaya yaVaNgarivhume, avo vanova mutungamiri weTransform Zimbabwe, iri kutarisirwa kupinda mudare nemusi weMuvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG