Accessibility links

Breaking News

Varimi Vanotambira Mutengo weChibage kuGMB Asi Vachichema neKudhura kweZvekurimisa


Mbeu yeChibage inonzi iri kukwira mutengo zuva nezuva.

Varimi vakawanda vanoti vari kutambira nemufaro mutengo mutsva wave kutengwa navo mbesa dzavo neGrain Marketing Board, asi vari kuchema kuti mitengo yembeu nezvimwe zvavanoda pakurimisa iri kuramba ichikwira zvakanyanya.

Hurumende yakazivisa kuti mbesa dzinoti chibage, zviyo, mhunga nemapfunde zvave kutengwa nemari inoita zviuru zvina zvemadhora emunyika, kubva pamadhora zviuru zviviri nezana mumwaka wekurima wa2019/2020.

Mukuru werimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, VaJeremiah Tevera, vanoti zvinofadza kuti hurumende yaona kuti mutengo wanga uripo hauchakwanisa kubatsira varimi, asi vanoti mutengo mutsva wezvirimwa uyu ngausadzinganiswa nekuda kwezvimwe zvinodiwa nevarimi.

"Dambudziko ratinaro muZimbabwe nderekuti pese panokwidzwa price yembesanwa dzedu tinosangana nekukwira kwema price ezvinhu zvakawanda," VaTevera vanodaro.

Vanoti varimi vacharamba vakaomerwa nekuda kwekuti mutengo wembeu nefotereza nezvimwe zvavanoda mukurimisa uri kukwira zuva nezuva, pamwe chete nemutengo wemafuta edzimotokari avanoshandisa mukurima, ayo ari kukwira svondo roga roga.

Hurukuro naVaJeremiah Tevera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG