Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Muzvitoro Yorwadza Vakawanda


Zimbabwe Supermarket
Zimbabwe Supermarket

Veruzhinji vanoti vari kukatyamadzwa zvikuru nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu munyika zvichitevera kurambidzwa kwemari dzekunze kushandiswa munyika.

Vanhu vazhinji vanoti vaifunga kuti zvakaiswa mutemo mutsva nehurumende wekushandisa mari yemunyika chete, mitengo yezvinhu yaizogadzikana, asi vari kushamisika zvikuru vachiona mitengo ichiita chamurambamhuru kukwira.

Vamwe vatengi vakaita sa Amai Chipo Murambiwa vanoti mitengo yezvinhu, kunyanya chikafu, yafuma yakaita chamuramba mhuru muzvitoro zvakaita seOK ne Pick & Pay nezvikamu zvinopfuura zana kubva muzana.

Muchitoro che OK makeyiji makumi mashanu ehupfu aiita makumi matatu emadhora eRGTS, nhasi afuma achiita zana nemadhora maviri.

Mafuta ekubikisa aiita madhora gumi nemashanu, ave kuita madhora makumi matatu, makeyiji maviri emupunga aiita madhora masere, ave kuita madhora makumi maviri nemanomwe, ukuwo keyiji yenyama yaiita madhora gumi nemashanu, yave kuita madhora makumi matatu emaRTGS.

VaJohanes Chihwani, avo vanogara mumusha we Sisk, vanoti mutemo wakaiswa uyu watovaipira.

Sachigaro weConsumer Council of Zimbabwe muMasvingo, VaProsper Muzambi, vanoti kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu kunokonzera mutauro munyika.

Vatiwo vemabhizimusi vakaramba vachidai, vanokurudzira vatengi kuti varatidzire nekuti vaifunga kuti mutemo wakauya uchaita kuti zvinhu zvidzike.

VaTatenda Matumba, avo vane chitoro mudhorobha, vati vari kuramba vachikwidza mitengo nekuti vanozondotenga mari yekunze pamukoto nekuti kumabhanga haiwanikwi.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi hwenyika vakazvimirira, VaPardon Tshuma, vanoti mutemo wakaiswa nehurumende handiwo mhinduro yedambudziko rekukwira kwezvinhu muzvitoro kana nyika isina maindasitiri anogadzira zvinhu achitengesawo kunze kwenyika.

Muzvinafundo pachikoro cheGreat Zimbabwe University, VaMunashe Shoko, vanoti mitengo ichiri kukwidzwa nekuti vatengesi vazhinji vakange vakahodha zvinhu nemari yekunze nekudaro pazvichapera mitengo ichadzikama.

Asi vamwe vanoti kuti zvinhu zvigadzikane nyika inofanira kushandisa mari yekunze yeku nyika yeAmereka kusvika zvinhu zvazonaka.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vanonzi vari kunze kwenyika.

Asi gurukota rinoona nezvekugadzirwa kwezvinhu nekutengeserana, VaMangaliso Ndlovu, vashora zvikuru vemabhizimusi nekukwidza mitengo yezvinhu zvisina tsarukano kubva pakarambidzwa mari yekunze kushandiswa munyika svondo rino.

VaNdlovu vaudza vatori venhau pamusangano wavaita muHarare kuti hapana chikonzero chingapa kuti vemabhizimusi vakwidze mitengo yezvinhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG