Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeMbeu yeChibage neFotireza Yodhurira Varimi


Peter Joseph Dzingami, a far manager in Goromonzi district, March 5, 2019, says that in the previous years farmers would control the fall armyworm. But this year, because there is not much rainfall, and the worms are hatching more than previous years and

Varimi vakawanda mudunhu reMasvingo vari kuchema chema zvikuru nekudhura kwembeu yechibage pamwe nefetiraiza panguva iyo mwaka wekurima watanga.

Mumwe mugari wekuMasvingo mudunhu rekuMhandamabwe kwaChivi, VaTendai Gozho, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nekukwira kwakaita mutengo wembeu apo mvura yatanga kunaya.

Mbeu yeSeed- CoSC513inorema makirogiramu makumi maviri nemshanu, iri kuita mari inopfuura zviuru gumi zvemadhora emaRTGS.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti mari iyi yakawanda zvikuru kupfuura mihoro yevashandi vehurumende.

Mari iyi ikaiswa kumadhora ekuAmerica, inodarika zana remadhora.

Izvi zvinoreva kuti mushandi wehurumende, uyo anotambira zviuru zvitatu zvema RTGS, anofanirwa kushanda mwedzi mitatu kuti akwanise kutenga tsaga rimwe chete rembeu yechibage.

Mumwe murimi wekuZero Farm iri kuNemamwa, VaNdazaveni Dube, vanoti pamusoro pekuremerwa nemutengo wembeu, havana mombe dzekurimisa minda yavo sezvo dzakafa nenzara.

VaDube vanoti vakutomirira kubatsirwa nehurumende pasi pechirongwa che Presdential Input Scheme, kunyange hazvo chichivapa mbeu shoma pane yavari kuda.

Studio7 yatadza kubata panharembozha gurukota rezvebazi rekurima, Dr Anxious Masuka,kuti tinzwe divi rehurumende panyaya dzemitengo yembeu uye kuti iri kubatsira seyi vekumaruwa.

Munyori mubazi rezvekurima, VaJohn Bhasera, vange vasingadairi nharembozha yavo kana kupindura mibvunzo yavatumirwa neStudio 7.

Pamusoro pekudhura kwembeu, varimi vari kuchemawo nemutengo wefotireza uyo wava pazviuru zvina zvemadhora emunyika pasaga rimwe chete rinorema makirogiramu makumi mashanu.

Mune imwewo nyaya, kutongwa kwenyaya yemutungamiri wesangano revadzidzisi, reAmalgamated Rural Teachers Union in Zimbabwe, VaObert Masaraure, pamwe neimwe nhengo yesangano ravo, Amai Sheila Chisirimunhu, kwatadza kutanga nhasi apo dare rati harisati ragadzirira zvakakwana.

Gweta revaviri ava, VaMartin Mureri, vati mutongi wedare, VaMbonisi Ndlovu, vati nyaya iyi ichatanga kutongwa musi wa 26 Gumiguru gore rino.

Muchuchusi wedare, Muzvare Precious Huswa, vanoti vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo pamahofisi ebazi rezvedzidzo kuMucheke kuno kuMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG