Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zanu PF Ichakunda Zvine Mutsindo Muna 2023


President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri Zanu PF nenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza musangano webato ravo weAnnual National People’s Confrence kuti Zanu PF ndiyo chete inokwanisa kudzivirira nyika kubva kuvavengi uye vati vachakunda zvine mutsindo musarudzo dza2023.

Zvichakadai mutungamiri wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vaudza musangano uyu kuti vanotsigira Zanu PF uye havanei nemutongo wematare unorambidza kuti madzishe asaita zvematongerwo enyika.

VaMnangagwa vati musangano uyu unowanzoitwa muna Zvita wave kuitwa pari zvino kuitira kuti zvisungo zvemusangano uyu zvipinde mubhajeti renyika.

Vati vari kuita zvese zvavakavimbisa vanhu pasurudzo dza2018 uye vari kuvaka migwagwa, mabhiriji, zvikoro zvipatara nezvimwe zvisinei kuti nyika yakatemerwa zvirango zvehupfumi.

VaMnangagwa vatiwo basa rakabatwa nehurumende yavo pakurwisa Covid-19 nezvirango zvavakatemerwa nenyika dzekumadokero rinoratidza kuti Zanu PF ibato rinoda vanhu uye ndizvo zvichaita kuti Zanu PF ikunde zvine mutsindo musarudzo dza2023.

Vatiwo nhengo dzeZanu PF dzinofanira kubatana dzichishanda murunyararo, vachiti pari zvino mubato mune vanhu vashomanana vari kukonzera mhirizhonga vakati izvi hazvifaniri kuitika mabato ravo.

VaMnangagwa vatiwo vaive varwiri vehondo yerusununguko vanofanira kutevedza gwara remusangano kana vachinge vaine zvichemo kwete kuratidzira sezvavakaita svondo rino.

Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wavo, VaConstantine Chiwenga, avo vati misikanzwa nemhirizhonga hazvina munzvimbo muZanu PF.

Asi vanoongorora nyaya dzematongerwe enyika vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vati havabvumirani naVaMnangagwa kuti bato ravo richakunda muna 2023 vachiti vanhu vari kuomerwa nehupenyu munyika.

Vatiwo misikanzwa iri kuitika muZanu PF inokonzerwa nenzara iri muruzhinji rwebato iri.

Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance rinoti Zanu PF haigoni kukunda kana pakaitwa sarudzo dzakachena munyika.

Mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti havawoni Zanu PF ichikunda musarudzo vachiti vana veZimbabwe vamirira shanduko.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiriri wemadzishe munyika, Chief Fortune Charumbira, vati madzishe munyika anotsigira Zanu PF uye acharamba achiita izvi zvisinei nemutongo wedare repamusoro wekuti madzishe haafanirai kune achiita zvematongerwe enyika.

VaCharumbira vatiwo madzishe acharamba achipinda mimisangano yeZanu PF nekuti anofara nehutongo hwaVaMnangagwa nebato ravo.

Vati vanorwadziwawo nekurwisana kuri mubato ravo reZanu PF vachiti zviri pachena kuti vavengi vanoda kupatsanura bato iri.

Muna 2018 High Court yakarambidza madzishe kuita zvematongerwo enyika mushure nemunge VaCharumbira vaendeswa kudare neElection Resource Center ichinyuta nekutsigira kwavaiita Zanu PF.

Mutauriri wesangano reCrisis In Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa naVaCharumbira nevamwe vavo zviri kunze kwemutemo.

Musangano weZanu PF uyu uchapera mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG