Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosaina Constitutional Amendment Bill Number 2


ED Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasaina bhiri remutemo we Constitutional Amendment Bill Number 2 nhasi kuitira kuti mutemo uyu uchishandiswa zviri pamutemo.

Bhiri iri rakatambirwa nedare reSenate nemusi weChipiri mushure mekunge maseneta makumi matanhatu nemashanu avhotera bhiri iri, asi maseneta gumi akapikisa kuti bhiri iri vachiti risavandudze bumbiro remitemo yenyika.

Mutemo uyu unopa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, masimba ekusarudza mutevedzeri wavo pamadiro, kudoma vatongi vematare edzimhosva, kuwedzera huwandu hwemadzimai nevechidiki muparamende nemumakanzuru nezvimwe.

Mutemo mutsva uyu unowedzerawo makore ekuti mutongi wematare edzimhosva arambe ari pabasa mushure mekusvitsa makore makumi manomwe.

Mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vanga vachifanirwa kuenda pamudyangigere musi wa 15 Chivabvu apo vanosvitsa makore makumi manomwe.

Sezvo mutemo uyu wava kushanda, VaMalaba havachaendi pamudyandigere uye vacharamba vari mukuru wevatongi vematare edzimhosva.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaNqobani Sithole, vakapikisa kutambirwa kwakaitwa Constitutional Amendment Bill Number 1, iro rakapa hwaro hwekuti Constitutional Amendment Bill Number 2 riumbwe, vachiti bhiri rekutanga rakaitwa nenzira dzinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Dare reConstitutional Court harisati rapa mutongo waro panyaya iyi kunyange hazvo mahofisi ehurumende, kusanganisira emutungamiri wenyika, dare reNational Assembly nedare reSenate, akapihwa zviri pamutemo magwaro ekupikisa bhiri iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG