Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hakuna Kwavari Kuenda Mushure Mekunge Sarudzo Dzaitwa


Mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vanoti hapana kwavanoenda mushure mesarudzo dziri kuitwa mwedzi uno sezvo vachakunda zvine mutsindo.

Vachitaura vari muChinhoyi, VaMnangagwa vati bato ravo iguru zvekuti havadi kunetsana nemapato madiki anoita ruzha mumapapenhau.

VaMnangagwa vati zvose zvekunetsana zvichapera musi wesarudzo sezvo vachaziva kuti nyika ino ine varidza vayo.

Panyaya yesarudzo, VaMnangagwa vati sarudzo dzegore rino dziri kuitwa murunyararo uye mapato ose ari kubvumirwa kuita misangano kwavanoda pasina anovarambidza.

VaMnangagwa vati vekunzi vari kuongorora sarudzo ngavaenda kwese kwavanoda kuongorora sezvo pasina chavanotya.

Pamusangano wavaitwa nevarimi vechichena vasati vataura nenhengo dzavo panhandare yechikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, VaMnangagwa vaudza varimi ava kuti vachapihwa gwaro rinovabvumira kugara pamunda kwemakore makumi mapfumbamwe nepfumbamwe kuti vakwanise kupihwa mari kubhangi uye vakatorerwa minda vachapihwa mimwe minda kana wongororo yekuti ndiyani ane minda yakawanda yapera.

Mumwe murungu wechichena VaNick Swanapool vanoti vanotenda maruva vadya chakata asi vanoti vari kufara nekupihwa mukana wekusangana nemutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vaudza varimi kuti nyaya yekunetsa kwemari ichagadziriswa mushure mesarudzo.

VaMnangagwa vaudzawo mhomho yevanhu vanga vachisvika zviuru makumi maviri kuti nyaya yevanhu vaibira vanhu mari vachivavimbisa pekugara yave kupera sezvo vave negwaro rine huchapupu hwezvavaiyita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG