Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vanhu vanobatwa nemhosva dzekuponda vanofanira kutongerwa rufu kunyange hazvo muine kusawirirana muhurumende yavo panyaya iyi.
VaMugabe vataura mashoko aya pakuradzikwa kwegamba renyika, VaDon Muvuti, pamarinda anoradzikwa magamba enyika pa Heroes Acre.
VaMugabe vati kunyange hazvo paine muonero wakasiyana panyaya yekutongera vanhu rufu, ivo vanoda kuti vanhu vanenge vabatwa nemhosva yekuponda, vatongerwewo rufu.
Mumwe wevatevedzeri vavo, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakapona neburi retsono kuti vagurwe musoro paitongwa nehurumende yevachena sezvo vaive nemakore ari pasi pemakumi maviri nerimwechete mushure mekunge vabatwa nemhosva yekukuvadza zvivakwa zvehurumende yaivepo panguva iyi, vakabuda pachena kare kuti havatsigire kuti vanhu vatongerwe rufu.
Asi VaMugabe vati nyaya dzekupondwa kwevanhu munyika dzavari kuturirwa nemukuru wemapurisa munyika, VaAugustine Chihuri, zuva nezuva dzanyanyisa kuwanda.
Nekuda kwezviri kuitika izvi, VaMugabe vati veruzhinji havafanire kuzoshamisika kana mutemo wekutongera vanhu rufu wave kubata munhu wese.
Kunyange hazvo VaMugabe vachida kuti vanhu vanenge vaponda vatongerwe rufu, bumbiro idzva remitemo yenyika rinoti vanhurume chete ndivo vanotongerwa rufu.
Nekune rumwe rutivi, hurumende yave nemakore akati kuti ichishaya munhu anotora basa rekudambura musoro vanhu vanenge vatongerwa rufu.
Varume vari pakati pemakore gumi nemasere kusvika makumi manomwe ndivo chete vanogona kutongerwa rufu.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti bato reZanu PF rinogona kuchinja bumbiro remitemo chero ipi nguva kuitira kuti chero ani zvake atongerwe rufu kana achinge abatwa nemhosva yekuponda sezvo rine nhengo dzakawanda muparamende.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaArnold Tsunga, vanoti zvekutongera vanhu hazvina chazvinobatsira mukudzikisa nyaya dzekupondana.
VaMugabe vashorawo veruzhinji vanonosiya mari dzemupiro kumaporofita vachiti maporofita mazhinji ave enhema.
atiwo vamwe vakuru-vakuru mubato ravo vari kuenda kumaporofita kuti vawane zvigaro zvepamusoro.
Mashoko aVaMugabe aya anouya apo paine zvikwata zviviri zvinonzi zviri kukwikwidzana kutora matomhu kubva kwavari kana vachinge vabva pachigaro.
Chimwe chezvikwata izvi, icho chiri kuzvidaidza kuti "Team Lacoste", chinonzi chiri kutungamirwa naVaMnangagwa uye chimwe chiri kuzvidaidza kuti G40 chinonzi chiri kutungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.
Vakanangana nemufi, VaMugabe vati VaMuvuti vaiva munhu ainge akanyarara uye aishandira nyika zvakakomba.
Ataura akamirira mhuri yemushakabvu, VaSamuel Tendai Muvuti, vati mhuri yavo yarasikirwa zvikuru.
Mushakabvu, uyo anga asingazivikanwe zvakanyanya neveruzhinji, anonzi akashanda zvakawomarara ari kunze kwenyika munguva yehondo achitsvagira varwi vehondo rubatsiro rwemari, chikafu nezvimwe zvakadaro.
Hondo yapera, VaMuvuti vakazove nhengo yebhodhi rekambani inodhinda mapepanhau ehurumende reZimpapers uye vanga vari nhengo yeZanu PF National Consultative Assembly.
Facebook Forum