Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovimbisa Vakaremara Rubatsiro


President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavimbisa kuti hurumende yavo ichawanisa mukana vanhu vakaremara wekuti vawane mari yekuita mabasa akasiyana siyana kuitira kuti vasimukire muhupenyu hwavo.

Mumashoko avatura vachivhura zviri pamutemo gungano reNational Disability Expo muGweru nhasi mutungamiri wenyika vati vafara zvikuru kuti vakaremara vanoita mabasa emaoko vachigadzira zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka uye zvakakosha.

Vati sezvo munyika muine bhanga rakanangana nemadzimai nerimwe rakanangana nevechidiki chete vanoona zvakakosha kuti vakaremara vawaniswewo mukana wekuti vawane mari inovabatsira mumabasa avo avanoita vakati vachaona kuti izvi zvaitika nekukasika.

VaMnangagwa vambosetsa vanhu pavati chipangamazano chavo panyaya dzevakaremara, VaJoshua Malinga, vanogara vachivanetsa zvikuru pamusoro pezvichemo zvevakaremera vakati izvi zvinoratidza kuti VaMalinga munhu ane hany’a nenyaya dzevakaremara.

Chimwe chezvichemo zvinowanzobudiswawo nevakaremara inyaya yekuti vanotadza kupinda muzvivakwa zvakawanda nekuti zvinenge zvisina kugadzirwa nenenzira yakafanira.

VaMnangagwa vati pane mutemo wekuti zvivakwa zvese zvinoshandiswa neveruzhinji zvikwanise kupindwa nevakaremara vakati izvi zvinofanirwa kutevedzerwa.

VaMnangagwa vati kushandiswa kwehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko kana kuti Information Communication Technology ndicho chinhu chave kukosheswa pasi rose vakati nyika haingabudirire kana vakaremara vakasarira kumashure pakuwana mukana wekukwanisawo kushandisa macomputer nezvimwe zvakadaro.

VaMnangagwa vakurudzira vakaremara kuti vabatane uye vashande pamwe chete mukurwira kodzero dzavo pamwe nemukubatsira kuvaka nyika. Vati vanhu munyika havafanirwe kutarisira vekunze kuti vavake nyika ino vachiti inotovakwa nezvizvarwa zvayo.

Gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavhima, avo vataurawo pagungano iri vati vanofara kuti hurumende yakasaina chibvumirano chepasi rose cheConvention on the Rights of Persons with Disabilities.

Vati vanhu vakaremara muZimbabwe vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana vanove zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvevanhu vari munyika, vakatsinhira kuti zvakakosha kuti vasasarira munyaya dzebudiriro.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Ruth Khumalo, avo vanove nhengo yesangano reZimbabwe Women with Disabilities in Development, vati vakaremara vakawanda vanonetsekana kuwana mari yekuita mabasa avanenge vachida kuita vachiti vanovimba kuti chivimbiso chemutungamiri wenyika chekuti vawane mukana wekuwana rubatsiro rwemari chichave chechokwadi.

Gungano reNational Disability Expo rinoitwa pasi pehofisi yachipangamazano chemutugamiri wenyika munyaya dzevakaremara uye gungano regore rino ndere chipfumbamwe.

Gungano iri rakatanga nemusi weMuvhuro uye rinopera mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG