Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhura Fakitori Inogadzira Madomasi


President Mnangagwa vachivhura Hamara Tomato Plant kuBulawayo
President Mnangagwa vachivhura Hamara Tomato Plant kuBulawayo

Mutungmiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti zvakakosha kuti makanzuru aite mabasa awo nemazvo kuitira kuti kusave nezvirwere zvakaita sekorera iyo yanetsa munyika.

Vachitaura pakuvhura zviri pamutemo kwefekitori yeHamara Tomato Plant inogaya madomasi, VaMnangagwa vati vari kushushikana nekupararira kwezvirwere zvekorera netyphoid vakati hurumende iri kuita zvose zvainogona kubatsira kuti kutekeshera kwezvirwere izvi kupere.

Vati ibasa remakanzuru emumaguta nemadhorobha akasiyana siyana kuti awanise vagari mvura yakachena pamwe nekurasa tsvina nekutakura marara nemazvo kuitira kuti zvirwere zvakadaro zvisarambe zvichiwanikwa.

VaMnangagwa vadzokorodza chitsidzo chavakaita munguva pfupi yapfuura chekuti hurumende yavo ichaendesa masimba kumatunhu mushure mekuvandudzwa kwemitemo inobata nyaya iyi.

Vati kana makanzuru ematunhu avepo zvakakosha kuti ashande zvakasimba mukusimudzira hupfumi hwematunhu aya izvo zvavati zvichaitawo kuti nyika isimukire.

Hamara Tomato Plant yakaitwa nekambani yeTurning Matabeleland Green iyo inosanganisira mumwe murimi wechichena pamwe nevamwe vekereke.

VaPeter Cunningham veTurning Matabeleland Green vati fekitori yeHamara Tomato Plant inokwanisa kugaya madomasi anopfuura matani zana nemakumi mashanu pazuva vachitiwo vanofara kuti fekitori iyi iri kubatsira kuwanisa vamwe varimi vekumamisha chouviri.

Mushure mekuvhura Hamara Tomato Plant, VaMnangagwa vavhura zvakare chirongwa chedzimba dzeHopeville dziri kuvakwa neimwe kambani yeJR Goddard muBulawayo,

VaMnangagwa vati zvinogona kuwonekwa sechinhu chisingakwanisike asi vati hurumende yavo yakazvipira kushanda kuti hupfumi hwenyika huve hwave pane chimwe chinhanho panozosvika gore ra2020.

Vati zvirongwa zvakadai seHamara neHopeville zvinoenderana nedonzvo rehurmende yavo rekumutsurudza pamwe nekuvandudza hupfumi.

Mutungamiri wenyika vati nyika haifanirwe kuve nezvirongwa zvinongonyorwa pasi chete zvisingazobatike vakadzokorodza yambiro yavo kuvashandi vehurumende kuti havafanirwe kuwanikwa vachivhiringidza zvirongwa zvehurumende.

VaJames Goddard veJR Goddard Company iri kuvaka musha weHopeville vati vari kufara kukwanisa kuwana mukana wekubatsira hurumende muchinangwa chayo chekuwanisa vanhu dzimba.

Dzimba dziri kuvakwa mumusha weHopeville dzinotangira zviuru makumi manomwe zvemadhora.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG