Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhura Harare Agricultural Show yeGore Rino Zviri paMutemo


Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavhura zviri pamutemo Harare Agricultural Show vachiti hurumende yavo icharamba ichidzika mitemo nekuita zvirongwa zvinoita kuti munyika muve nechikafu chakakwana.

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kweHarare Agricultural Show, mutungamiri wenyika ati vanhu havafaniri kungorima chete asi kuti vanofanira kutora kurima sebhizinesi vachiti kana izvi zvikaitika nyika ichabudirira.

Vati hurumende yavo ichadzika mitemo nekuita zvirongwa zvinoita kuti mabasa ekurima abudirire munyika.

VaMnangagwa vati zvirongwa zvePfumvudza/ Intwasa, Presidential Input Scheme, Jonh Deree neBelarus ndezvimwe zvezvirongwa zvakanangana nekupedza dambudziko renzara munyika.

Vatiwo hurumende iri kugadzira migwagwa kuitira kuti varimi vasanetseke kuwana mbeu pamwe nekuendzesa zvirimwa kumisika.

Vatenda Zimbabwe Agricultural Society nekuronga showo kunyange hazvo kuine denda reCovid -19 vachiti izvi zvakakosha nekuti mwaka unotevera unotarisirwa kunge wakanaka.

VaTawanda Mangisi vekambani yeSygenta iyo yapa mimwe mibairo nhasi, vati zvakakosha kuti varimi vatambire kana kupinda muzvironga zvehurumende sezvo zviine chinangwa chekuti nyika iwane chikafu chinokwanira munhu wese.

Kanzuru yeHarare ndiyo yawana mubairo wekutanga pakurwisa denda reCovid 19.

Mutauriri wekanzuru iyi, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti uyu mucherechedzo mukuru webasa guru riri kuitwa nekanzuru yavo.

VaEdson Kulungwe vekuGokwe North avo vakawana mbeu yedonje pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme vakaburitsa mabhero mazana maviri nemakumi maviri nemana akavawanisa zviuru makumi maviri nezvitatu zvemadhora ekuAmerica ndivo vatora mubairo wekutanga pavairimi vedonje. Vapihwa mubairo wetarakita.

Showo yegore rino iri kupinda vanhu vashoma nekuda kwedenda reCovid-19 uye ichapera nemusi weMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG