Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodzoka Kubva kuChina


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika neChina mangwanani vachibva kumusangano weForum on China-Africa Cooperation.

Musangano uyu wakapindwa nevatungamiri venyika dzemuAfrica uine chinangwa chekutengeserana pakati peChina nenyika dzemuAfrica.

Pakapera musangano uyu, China yakavimbisa kupa chikwereti nyika dzemuAfrica chemari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora. Imwe yemari iyi inonzi ichashandiswa nenyika dzemu Africa kubhadhara zvikwereti zvadzo.

Kubva muna 2000 kusvika muna 2017, China yapa nyika dzemuAfrica mari inoita iyi mabhiriyoni zana nemakumi mana emadhora.

Mari idzi dzinonzi dziri kushandiswa mukuvaka zvivakwa zvinokosha, pamwe nekubatsira nyika iki mukuvandudza hupfumi hwadzo.

Mudzidzi nyaya dzekudyidzana pasi rose, VaOstallos Gift Siziba, vati havaoni kuenda kumusangano kwakaitwa naVaMnangagwa kuchisimudzira nyika munyaya dzehupfumi.

Asi vatiwo izvi zvinopa mukana wekuti nyika ibudise pachena zvinangwa zvayo panyaya yekudyidzana neChina.

VaMnangagwa vakaenda kuChina nevanhu vakawanda vanosanganisira vaive makurukota muhurumende pasati paitwa sarudzo.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kudoma makurukota avo chero nguva.

Hazvisati zvabuda pachena kuti Zimbabwe ichawana mari yakadii kubva kuChina pamari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora iri kupihwa Africa nehurumende yaVaXi Jinping.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG