Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovimbisa PTUZ Kugadzirisa Zvimwe Zviri Kunetsa Vadzidzisi?


PTUZ meets ED

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vavimbisa hutungamiri hwesangano revadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, kuti vachagadzirisa mamwe ematambudziko akatarisana nevarairidzi, kunyange hazvo vasina chinobatika chavataura panyaya yemari dzemihoro.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano uyu, uyo waitirwa pamahofisi aVaMnangagwa paMunhumutapa Building, mutungamiri we PTUZ, VaTakavafira Zhou, vati vafara zvikuru kuti VaMnangwagwa vakwanisa kuvapa nzeve pazvichemo zvavo.

VaZhou vati vasvitsa zvichemo zvakawanda kuna VaMnangagwa zvakafanana nekuda kuti vadzidzisi vabhadharwe mari dzemihoro nemadhora ekuAmerica sezvo zvinhu zvizhinji zvave kungotengwa nemari yekunze.

Gwaro rasvitswa nePTUZ kuna VaMnangagwa rinotiwo vadzidzisi vanoda kubhadharwa mari inodarika zviuru zvitatu zvemadhora emuno kana mari yemadhora ekuAmerica anoenderana nemari iyoyo.

VaZhou vati vanodawo kuti vadzidzisi vawane motokari sezvo vachishandira munzvimbo dziri kure nekwavanogara uye kuti hurumende iyedze kuti vamwe vadzidzisi vakapedza zvidzidzo zvavo vasina mababsa vakwanise kuendeswa kune dzimwe nyika dzakakomberedza Zimbabwe.

VaZhou vati pane zvavimbiswa naVaMnangwagwa kuti vanogona kuzvigadzirisa munguva pfupi iri kutevera asi hapana chavataura chinobatika panyaya yekuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nekubhadharwa nemari yekunze.

Munyori mukuru muPTUZ, VaRaymond Majongwe, vatiwo vadzidzisi havasi kuzodzokera kumabasa panovhurwa zvikoro gore rinouya kana VaMnangagwa vasina kusimudza musoro pane zvavavimbisa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye VaMnangagwa mbune vabva vapindawo mune mumwe musangano pavapedza kusangana nehutungamiri hwePTUZ.

Zvichakadai, gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, avo vanga varipowo pamusangano waitwa naVaMnangagwa nehutungamiri hwePTUZ, vaudza Studio 7 kuti vachamboda kuongorora zvabuda mumusangano wavo vasati vataura nezvenyaya iyi kunyange hazvo vati hurumende inokoshesa varairidzi zvakakomba.

VaMavhima vakamboudza vakuru vezvikoro mwedzi miviri yadarika kumusangano wakaitirwa kuVictoria Falls kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti haikwanise kuwedzera vadzidzisi mari dzemihoro pamwe nekuvabhadhara nemari yekunze.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, panyaya iyi kunyange hazvo svondo rapera vakati hurumende haina kwainowana mari yekunze yekuti ibhadhare vashandi vayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG