Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoparura Chirongwa cheBulawayo Arts Festival


ED Mnangagwa
ED Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti tsika nemagariro evanhu pamwe nezvekushanyirana zvinhu zvakakosha mukubatsira kusimudzira hupfumi munyika.

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwechirongwa cheBulawayo Arts
Festival pamwe neCultural Heritage Corridor muCity Hall muguta
reBulawayo nhasi VaMnangagwavati hurumende yavo ine donzvo
rekusimudzira zvemitambo, tsika nemagariro pamwe nezvekushanyirana
senzira yekuedza kuti munyika muve nemabasa akawanda.

Vati tsika nemagariro evanhu hazvingobatsiri chete mukuti vanhu vachengetedze tsika nehunhu hwavo asi kuti zvinogonawo kubatsira
mukusimudzira hupfumi hwenyika.

VaMnangagwa, avo vawana mukana wekushanyira nzvimbo dzakasiyana siyana, vati vafara zvikuru kuwana mukana wekuve pachiitiko ichi vachiti guta reBulawayo rinokodzera kuve iro rinove nechirongwa chakadai sezvo riri iro guta rine mukurumbira munyaya dzezvemitambo pamwe netsika nemagariro evanhu.

Vatiwo muguta reBulawayo mune vanhu vemarudzi akasiyana siyana anogarisana pamwe chete zvakanaka.

Vati hurumende yavo iri kutora danho rekubvisa mutero weValue Added
Tax kuma bhizimisi ane chekuita nezvekushanyirana kusanganisira vane
dzimba dzekurara senzira yekukurudzira veruzhinji munyika kuti
vashanyire nzvimbo dzakasiyana-siyana vasingachemi chemi nezvemitengo.

VaMnangagwa vakurudzirawo veruzhinji kuti varambe vachitevedzera
zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano pakudzivirira chirwere
cheCovid-19 sezvo chichiri kuramba chichitekeshera.

Mumwe anoita zvemitambo uye ariwo mutapi wenhau, Emmanuel Nkomo, ati anotsigira donzvo rehurumende rekuedza kusimudzira zvetsika nemitambo nachiti nyika dzakabudirira dzinowana mari yakawanda kubva kuzvinhu izvi.

Chirongwa cheBulawayo Arts Festival chakatanga kuitwa gore rakapera
senzira yekuedza kusimudzira mabasa ezvetsika nemitambo.

Chirongwa chegore rino chakatanga nemusi wemusi weChipiri uye chiri kupera nemusi weMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG