Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhura Musangano weZanu PF Vachishora Kuratidzira neKuramwa Mabasa Kuri Munyika


ZANU PF CONFERENCE HARARE NOV2

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavhura zviri pamutemo musangano wepagore webato ravo uri kuitirwa kuGoromonzi vachishora kuratidzira nekuramwa mabasa kwakaitwanevashandi mukati megore rino.

Vari kupinda musangano uyu vaudzwawo kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuri kutambura zvakanyaanya nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Vachivhura musangano wechigumi nesere wepagore webato ravo, VaMnangagwa vashora kuratidzira kwakaitwa munyika muna Ndira uko kwakasiya vamwe vanhu vafa uye vamwe vakuvara.

VaMnangagwa vatora mukana uyu kukurudzira mapato asiri munhaurirano dzezvematongerwo enyika dziri kuitwa pasi pechorongwa chavari kudaidza kuti Political Actors Dialogue, kana kuti Polad, kuti vapinde munhaurirano idzi vachiti havasi kuzoshaya hope nekusapinda kwemamwe mapato munhauriro idzi.

Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weMDC, VaDaniel Molokele, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya idzi.

Asi mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vanoda kuti nhaurirano idzi dzinge dzichitungamirwa nemuyananisi anobva kunze kwenyika uye anove kana akambove mutungamiri weimwe nyika izvo zvatsinhirwa nemutauriri weboka revechidiki muMDC, VaStephen Chuma, avo vati nhaurirano dziri kuitwa naVaMnangagwa nemamwe mapato dzisina MDC mukati, idambe.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaArnold Gumbo, vati hapana chinotadzisa mapato ari muPolad aya kuenderera mberi nenhaurirano kana MDC yaVaChamisa isina kupinda munhaurirano idzi.

Zvichakadai, VaMnangagwa vati chirongwa chekugovera vanhu vatema minda hachisi kuzodzoserwa shure chero nani zvake vachiti vaimbova varimi vechichena vanofanira kujaira kugarisana nevarimi vatsva.

Mashoko aVaMnangagwa aya atsinhirwa neimwe nhengo yeZanu PF iri kupinda musangano uyu, VaEmmson Mapiye.

Sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vaudza VaMnangagwa pamusangano uyu kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuri kunhonga svosve nemuromo kubudikidza nekusamaira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

Asi VaMnangagwa vati zvinhu zvichanaka chete kana veruzhinji vakashanda nesimba vachiti mutambirwi gwinyawo.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kushora nyaya yehuori munyika vakatiwo zvakare nyika haisi kuzodzokera pakushandisa mari yedzimwe nyika.

Vatiwo hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kugadzirisa nyaya dzehupfumi vakakurudzirawo nhengo dzebato ravo kuti dzishande zvakasimba kuitira kuti bato ravo rigokunda musarudzo dzemuna 2023.

Vakurudzirawo kuti zvichazeyewa pamusangano uyu zvive zvinhu zvinogadzirisa raramo yeveruzhinji.

Panyaya yekusabatana kunonzi kuri mubato ravo, VaMnangagwa vati vavengi vavo vari kuedza kutsvaga vamwe pakati pavo kuti vashande navo asi izvi hazvisi kuzobudirira.

Zvinonzi pane kusawirirana pakati paVaMnangagwa naVaChiwenga asi nhasi vanga vachitaura nezwi rimwe chete pamusangano uyu.

Musangano wegore rino, uyo uri kupindwa nevanhu vanodarika zviuru zvishanu, uri kuitwa pasi pedingindira rinoti: Modernize, merchanize and grow the economy towards Vision 2030.

Nyaya ina Thomas Chiripasi - 12-13-19
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG