Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Madhokera Ari Kuramwa Mabasa Awo Ari Kubhadharwa Mari neVamwe Vanhu


ED Mnangagwa
ED Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashoropodza vanachiremba vari kuramwa mabasa vachiti vanachiremba ava vari kupihwa mari kuti varamwe mabasa.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevaimbove vana mujibha nana chimbwido munguva yehondo.

Vachitaura pamusangano waitirwa paCity Sports Centre muHarare neMugovera, VaMnangagwa vati vanachiremba vari kuramwa mabasa vanhu vari kubhadharwa nevanhu vavasina kudoma nemazita kuti varamwe mabasa.

Asi munyori mukuru musangano rinomirira vanachiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association, Dr Aaron Musara, vati vanorwadzikana zvikuru kunzwa mutungamiri wenyika anozviti anoda kuteerera, achitaura mashoko akadai.

Sachigaro wanamujibha nanachimbwido kuManicaland, Amai Angeline Muponda, vaudza VaMnangagwa kuti vanoda kubhadharwa mari yemuripo webasa ravakaita munguva yehondo.

Asi VaMnangagwa vati hurumende haikwanise kuvaripa.

Asi VaMnangagwa vavimbisa nhengo dzeZiliwaco kuti vachadzipawo minda mushure mukunge vaiva vaana mujibha nana chimbwido ava vati vazhinji vavo havana kuwana minda.

VaMnangagwa vakurudzirawo vana mujibha nana chimbwido ava kuti vaumbe makomiti munzvimbo dzavanogara kuitira kuti vagonyatsozivikanwa vese kuitira kuti zvigoita nyore kuvabatsira pavanenge vachida rubatsiro.

Musangano uyu warongwa nesangano reZimbabwe Liberation War Collaborators kana kuti Ziliwaco.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG