Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanokumikidza Mabhazi Matsva eZupco muBulawayo


President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 4
President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 4

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakumikidza mabhazi matsva ekambani yeZupco muguta reBulawayo vachiti hurumende yavo yakazvipira kuti veruzhinji vawane zvifambiso zvinowanikwa nguva nenguva zvichifamba zvakanaka uye zvisingadhure.

Vachitaura pachiitiko chekukumikidza mabhazi makumi manomwe nematanhatu paCity Hall muBulawayo nhasi mangwanani, VaMnangagwa vati vange vaine mufaro mukuru kuve pachiitiko ichi vachiti mabhazi aya achabatsira kurerutsira veruzhinji panyaya dzekufamba.

"Kuvepo kwemabhazi aya kunotarisirwa kubatsira zvikuru mukumutsurudza basa rekufambiswa kweveruzhinji uye kubatsirawo kuderedza mari dzakakwrira dzekufambisa idzo dzange dzave kubhadharwa neveruzhinji kumaruwa nemumadhorobha," vadaro mutungamiri wenyika.

Pamabhazi akumukidzwa akawanda acho achaendeswa kumaruwa ekumatunhu eMatabeleland North neMatabeleland South asi VaMnangagwa vati pane mamwe ari munzira achashanda muguta reBulawayo.

Vati hurumende yakazvipira kudonzvo rayo rekuti mugore ra2030 Zimbabwe ive yave inoverengwa panyika dzakabudirira vakati zvakakosha kuti nyika ive nezvekyfambisa zveveruzhinji zvakakwana.

Vati hurumende yavo yakaona zvakakosha kumutsurudza kambani yeZimbabwe United Passenger Company, Zupco.

Vati hurumende iri kutenga mabhazi anopfuura chiuru chimwe nemazana matatu achapiwa kukambani iyi.

"Mushure mekuona kuti panguva dzakawanda veruzhinji vange vave kuwomeserwa nevamwe vari mubhizimisi rekutakura vanhu, vachivabhadharisa mari dziri pamusoro-soro, takaona zvakakosha kumutsurudza kambani yehurumende yeZupco. Mabhazi achauya achibva kunyika dzeChina, Belarus neSouth Africa," VaMnangagwa vaudza vanhu.

VaMnangagwa vati makanzuru nehurumende zvinofanirwa kushanda pamwe chete kuitira kuti veruzhinji vagokwanisa kuitirwa zvizere mabasa avanotarisira kuitirwa vakashorawo zvikuru nyaya yehuwori.

Mutungamiri wenyika vati hurumende yavo yakazvipira kuendesa masimba kumatunhu.

"Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube muhurongwa hwekushandiswa kwemari yehurumende vachawedzera mari ichashandiswa pakuendesa masimba kumatunhu zvichireva kuti pachave nemari yakawedzerwa ichapiwa kumatunhu, kumakanzuru ekumaruwa uye emumadhorobha kuitira kubatsira kuti mukwanise kuita mabasa amunotarisirwa kuita neveruzhinji," vadaro VaMnangagwa

Zupco yava nemabhazi matsva anosvika mazana mashanu.

Vakafanobata chigaro chameya weBulawayo, VaMalandu Ncube, avo vange varipowo pachiitiko ichi, vaudza Studio 7 kuti ibasa remakanzuru emaguta kuti veruzhinji vawane zvifambiso.

Vati vanotambira kuvepo kwemabhazi asi vakati zvakakosha kuti mabasa achamuka muhurongwa uhu apiwe vagari vemunzvimbo dzakasiyana-siyana kuchaendeswa mabhazi aya kwete vekunze.

Mumwe mugari, VaFriday Thomas Phiri, vati vanotambira chirongwa chemabhazi ichi asi vakati zvakakoshawo kuti hurumende iwone kuti migwagwa yemunyika yagadzirwa vachiti kana izvi zvikasaitwa, mabhazi aya achapera kufa nekukasika. Vatiwo zvakakosha kuti hurumende isangotarisa kunyaya yezvifambiso chete asi kuti iwonewo kuti mitengo yezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji zuva nezuva yadzikiswa.

Semamwe makambani ehurumende, kambani yeZupco yakagwadama nekuda kwekusaita basa nemazvo kwevaiyitungamira kambani iyi, pamwe chete nehuwori.

Mukutanga kwegore rino, Zupco yanga yasarirwa nemabhazi mazana matatu nemakumi masere, mazana maviri nemakumi maviri nerimwe ari mabhazi emakambani akazvimirira akaendesa mabhazi kuZupco pasi pechibvumirano.

Guta reHarare ranga riine mabazi zana nemakumi mapfumbamwe nemana, Bulawayo iine makumi manomwe nematanhatu, Mutare iine mabhazi makumi matatu nemana, Masvingo gumi nematatu, Gweru iine masere, ukuwo Chinhoyi iine mabhazi maviri chete eZupco.

Muna chikumi, mabhazi matsva makumi mana nemanomwe akapihwa Zupco achibva ku China nekuSouth Africa.

Hurumende yakanyoreranawo chibvumirano chemabhazi matsva mazana mashanu neBelarus zvichitevera kushanya kwaVaMnangagwa kunyika iyi muna Ndira.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kana hururmende yaVaMnangagwa ikasasunga dzisimbe pakugadzirisa nyaya yehuwori, kumutsurudza kambani iyi nedzimwe dzehurumende, kuchashaya basa.

Zupco yakaumbwa muna 1980 pakawana nyika kuzvitonga, asi kambani iyi yaizivikanwa nerekuti Rhodesia Bus Company nyika ichiri pasi pehutongi hwevachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG