Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti VaMnangagwa Havafaniri Kuenda kuZororo Munyika Musina Kumira Zvakanaka


ED Mnangagwa
ED Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatanga zororo ravo repagore uye vatevedzeri vavo vachange vachichinjana kubata matomhu pamavhiki matatu VaMnangagwa vanenge vari pazororo.

Izvi zvaziviswa nevakafanobata chigaro chemunyori muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaGeorge Charamba, mugwaro ravaburitsa nhasi mangwanani.

VaCharamba vati vatevedzeri vaVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga, naVaKembo Mohadi, vachange vachichinjana kumbofanobata matomhu emutungamiri wenyika vakamirira kudzoka kubasa kwaVaMnangagwa.

VaCharamba vati VaChiwenga ndivo vachatanga kumbofanobata chigaro chemutungamiri wenyika vozopawo chimuti kuna VaMohadi uye vati VaMnangagwa vachapedza zororo ravo vari munyika.

Mutevedzeri wegurukota rinona nezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vaudza Studio7 kuti zvinhu zvakakosha zvaitwa naVaMnangagwa zvekuti vaite zororo ravo vari munyika vachiti izvi zvinochengetedza homwe yenyika sezvo nzendo dzemutungamiri wenyika dzichibhadharwa kubva muhomwe yenyika zvisinei nekuti ari pazororo here kana kuti kwete.

Vaimbova mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, vaizivikanwa nekuenda mhiri kwemakungwa nevanhu vakawanda pavainge vari pazororo.

VaMutodi vati munyika mune nzvimbo dzakawanda dzekushanyira dzisingade kuti pashandiswe mari yekunze iyo yakashomeka munyika.

Asi mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati havaone chikonzero chekuti VaMnangagwa vaende pazororo zvinhu zvizhinji zvisina kumira zvakanaka munyika.

Izvi zvatsinhirwawo nenhengo yekomiti yepamusoro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLovemore Chinoputsa.

Mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti kuenda kwaVaMnangagwa kuzororo vasina kugadzirisa nhuna dzevadzidzisi pamwe nevashandi vose vehurumende kunoratidza kuti VaMnangagwa havana hany’a nemararamiro evashandi vehurumende yavo.

VaMasaraure vati VaMnangagwa vanga vachifanira kurega kuenda kuzororo vogadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi mutungamiri webato reLabour Economist and Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira, vati hapana chakaipa kuti VaMnangagwa vaende kuzororo.

Zvichakadai, VaKhumalo vatiwo VaMnangagwa havana kuda kuenda kunozororera kunze kwenyika sezvo vachiti mubato reZanu PF mune kurwirana masimba kurimo pakati pehutungamiri hwebato iri.

Asi VaMutodi vati izvi ndezvemugotsi matsuro vachiti VaMnangagwa naVaChiwenga vari kufambidzana sebhandi nebhurugwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vati igaroziva kuti muZanu PF mune makakatanwa.

VaMnangagwa vachange vari pazoro kwemasvondo matatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG