Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanotadza Kuenda kuMusangano weKunamatira Runyararo Munyika


Ezekiel Gutu Of Zaoga At National Dialogue Meeting
Ezekiel Gutu Of Zaoga At National Dialogue Meeting

Vedzisvondo vaparura hwaro hwekuti munyika muitwe nhaurirano dzekutsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi vamwe vashora zvikuru kusauya kwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vatumira sachigaro webato ravo reZanuPF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, kuzovamirira.

Zvisineyi nekusauya kwaVaMnangagwa, munyika maratidzo chido chikuru chekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, apo vakuru vakuru vemachechi pamwe nevatungamiri vezvematongerwo enyika, avo vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, nevamwe , vaungana muHarare pamusangano wekunamatira nyika kuitira kuti nyika ibudirire zvakanaka, uye murusununguko.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati musangano uyu ndewekuunza Zimbabwe yose pamwe chete kuitira kuti paitwe hurukuro dzekutsvaga nzira dzekupedza gakava riri munyika.

VaMtata vati kunyange hazvo VaMnangagwa vasina kuuya mbune, vafadzwa nekubudirira kwemusangano uyu.

VaMtata vati danho repiri ravachatora semakereke ndere kugara pamwe chete naVaMnangagwa naVaChamisa, vokurukura zviri kunetsa munyika.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaChamisa vatenda vedzisvondo nekuumba mukana wekuti nyika iite hurukuro dzekupodzana pamwe nekuumba nyika.

VaChamisa, avo vasina kuenda kumusangano wakakokerwa naVaMnangagwa neChitatu, vatiwo hazvibviri kuti pasati pave nekuvimbikana, vokokwa kunzvimbo yakarerekera kubato reZanu PF.

Mumwe wemadzimai apinda mumusangano wanhasi achibva kuguta reBulawayo, Amai Hingani Mkandla, vati zuva ranhasi ravapa tariro yekuti zvinhu zvinogona kugadzirisika munyika asiwo vati havana kuvafara nekusauya kwemutungamiriri wenyika kumusangano uyu.

Vataura pamusangano uyu vakamirira vechidiki, Muzvare Namatai Kwekweza, vatiwo shuviro yavo ndeyekuti panotaurwa zverunyararo pataurwe chokwadi chezvakaitika.

Vati zvakakosha kutaura kutyorwa kwakaitwa kodzero dzevanhu, vakatyora kodzero idzi vobvuma, pamwe nekukumbira ruregerero, pasati pataurwa zverunyararo.

Vachitaura vakamirira VaMnangagwa, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vati zvaitwa nevedzisvondo zvakanaka huye zvakakosha sezvo zviri kubatsira mukubatanidza vanhu.

Vakurudzirawo kuti munhu wese ave nechekuita mukuunza runyararo munyika.

Vatiwo hurumende yagara ichishanda nevedzisvondo huye vane tarisiro yekuramba vachishanda navo.

Vakurudzira vedzisvondo kuti varambe vachinamatira runyararo nekupodzana kwemaronda munyika.

Vedzisvondo vanamatirawo hutungamiriri hwakanaka munyika, kupedzwa kwehuori pamwe nerudo munyika.

Musangano uyu wakokerwa nemasangano anosanganisira Zimbabwe Council of Churches, Zimbabwe Catholic Bishops’ Conference, neEvangelical Fellowship of Zimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG