Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Kanzuru yeHarare Iongororwe Mashandisiro Ayo eMari


Mutungamiri wenyika, VaEmmrson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmrson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vati kanzuru yeHarare iferefetwe zvakadzama mafambisiro ayanga ichiita basa senzira yekufukunura huwori hunonzi nehurumende hwanga huchiitika mukanzuru iyi kwenguva yakareba.

Izvi zvinonzi ndizvo zvakasvitsawo pakusungwa kwevaimbove meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba pamwe nevanga vari meya VaJacob Mafume, avo vakambomiswawo basa svondo rino negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo vachipomerwa zvakare kuita zvehuwori.

Vamwe vashandi vepamusoro pamwe nemakanzura mazhinji eguta iri vakasungwawo vachipomerwa mhosva dzehuwori dzinosanganisira kutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba zviri kunze kwemutemo.

Bepanhau reHerald rinoti mutungamiri wenyika vakazivisa mumashoko avo epagoredzva kuti hurumende yavo haisi kuzoneta muhondo yayo yekurwisana nehuwori.

Asi munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu muMDC Alliance VaSesil Zvidzai, vanoti huwori mukanzuru yeHarare huri kutobva kuvanhu vakagadzwa nehurumende vari mu Local Government Board, kwete kunhengo dzeMDC Alliance.

VaZvidzai vanoti hurumende yaVaMnangagwa inofanirwa kuzoburitsa zvainenge yawana mukuferefeta kwairi kuita mafambisirwo ebasa nekanzuru, vachiti izvi ndizvo zvicharatidza kuti makanzuru eri pasi pebato ravo haana huwori.

Vanoti sebato, MDC Alliance haisekekeri huwori, vachiti vane ruzivo rwekuti zvose zviri kuitwa nehurumende inzira yekuda kupinza nayo komisheni yeZanu PF kuti itungamire guta reHarare.

Hurukuro naVaSesil Zvidzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG