Accessibility links

Breaking News

VaEmmerson Mnangagwa Vovimbisa Kuwedzera Mari Vakarwa muHondo


War Veterans Meet Mnangagwa
War Veterans Meet Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana nevaimbova varwiri verusununguko avo vachema chema kumutungamiri wenyika kuti nhuna dzavo dzigadziriswe.

Vaiva varwi muhondo yerusununguko vanoti havasi kufara nekuti havasi kubatwa zvakanaka nehurumende makore makumi matatu nemasere nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Vati ruzhinji rwavo harwusi kurapwa sezvo rwusina mari, uye kuti mari dzavanopihwa nehurumende kuti vabatsirikane dzishoma zvikuru.

Vapomera VaMnangagwa mhosva yekukomberedzwa nematsotsi asina hany’a nevaiva varwi muhondo yerusununguko avo vati vane basa nezvigaro chete.

Sachigaro wema war vets mudunhu reBulawayo, VaCephas Ncube, vaudza VaMnangagwa kuti vamwe vavati makoronyera ndivo vakatora zvigaro musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzegore rino.

Sachigaro weZimbabwe National Liberation War Veterans mudunhu reMashonaland Central, VaSamuel Parirenyatwa, vati chikwata cheG40 ndicho chichiri kutonga muZanu PF vakakurudzira kuti nhengo dzechikwata ichi dzibviswe muzvinzvimbo zvakakosha mumatunhu akawanda munyika vachiti vanhu ava vari kudzosera shure zvose zvinenge zvasungwa nevaiva varwi muhondo yerusununguko zvinobata raramo yavo pamwe nekusimbaradza musangano weZanu PF.

VaMnagagwwa vavimbisa kugadzirisa nhuna dzevaiva varwi muhondo yerusununguko vakavakurudzira kuti vanoshanda zvakasimba kuti Zanu PF igokunda musarudzo.

VaMnangagwa vashorawo chikwata cheG40 vachiti chakanga chaendesa nyika kumawere zvakange zvave kuita kuti bumbiro remitemo yenyika risatevedzerwe vachiti munhuwese anosungirwa kuti acherechedze bumbiro iri.

VaMnangagwa vazivisawo kuti hurumende ichawedzere mari yemudyandigere kune vaiva varwi muhondo yerusununguko avo vanga vachigunun’una kuti vari kupihwa mari shoma inoita madhora mazana maviri nematanhatu pamunhu pamwedzi wegawega.

MaWar Vets aya akumbirawo kuti apihwe zvigaro zvepamusoro mumapazi ehurumende zvikurusei mubazi rinoona nezvekugoverwa kweminda pamwe nemubato reZanu PF achiti ndizvo zvinoita kuti nyaya dzakanangana navo dzigadziriswe.

Vakumbirawo zvakare kuti vasabhadhariswe mari pakupinza motokari dzavanenge vatenga kunze pamwe nekuti vasabhadhare mitero yekushandisa migwagwa vachiti havana mari.

Musangano waitwa naVaMnangagwa nevaiva varwi muhondo yerusununguko, avo vati vachatsigira VaMnangagwa musarudzo dzegore rino, ndewekutanga kubva zvavakagadzwa semutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vati hurumende ichazadzisa zvose zvavakavimbiswa nevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamusangano wavakaita neavaiva varwi gore rapera.

VaMngangawa vazivisawo kuti vachaita musangano wakadai nevechidiki munguva pfupi iri kutevera kuti vanzwe nhuna dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG