Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana neChishanu nemadzishe emumatunhu eMatabeleland North, Matabeleland South pamwe nevamwe vashoma vemudunhu reMidlands vachizeya nyaya dzakasiyana siyana kusanganisira yeGukurahundi pamwe nematambudziko anosangana neveruzhinji kumaruwa.
Vachitaura kuvatapi venhau mushure memusangano nemadzishe, VaMnangagwa vati vaita musangano uyu mushure mekunge vakumbirwa nemadzishe ekumatunhu eMatabeleland neMidlands kuti vasangane navo.
VaMnangagwa vati vafara kuwana mukana wekusangana nemadzishe kuti vazeye nyaya dzakasiyana siyana kusanganisira nyaya yeGukurahundi pamwe nematambudziko ari kusangana neveruzhinji kumaruwa kusanganisira kushaikwa kwechikafu chakakwana.
Vatiwo mamwe matambudziko avakurukura nezvawo anosanganikwa nawo nevamwe vanhu munyika mose vakatiwo mamwe ematambudziko aya anogona kugadziriswa munguva diki asi mamwe anoda nguva yakareba kuti agadziriswe.
Asi vatori venhau vabudiswa mumusangano uyu sezvo wanzi wange uri pakati pemutungamiri wenyika nemadzishe aya chete.
Mutevedzeri wemukuru wedare remadzishe, Ishe Mtshane Khumalo, avo vataura vakamirira mamwe madzishe, vatenda mutungamiri wenyika nekuwana nguva yekusangana navo.
Vati kunyange hazvo madzishe akawanda ange asina kunge agara akaudzwa nezvechinangwa chemusangano uyu, vafara kuti madzishe aya akwanisa kutaura matambudziko aari kusangana nawo mumatunhu avo.
Mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Jennifer Mhlanga, pamwe nemakurukota ematunhu eBulawayo, Matabeleland North neMatabeleland South vange varipowo pamusangano uyu.
Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vaudza Studio 7 kuti maonero avo ndeekuti misangano yakadai haina zviri kunyanya kubatsira kana kwakatariswa nyaya yeGukurahundi.
Vati zvakakosha kuti VaMnangagwa vatange vakumbira ruregerero uye kuti vaite misangano yakadaro kumamisha uko kunove ndiko kune vanhu vakawanda vakabatwa nenyaya yeGukurahundi.
Mumwedzi mishoma yapfuura, VaMnangagwa vakambosangana nevemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega vemumatunhu eMatabeleland vachizeya nyaya yeGukurahundi nezvimwe.
Asi dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kusvikira VaMnangagwa vanyatsobuda pachena pamwe nekukumbira ruregerero pamusoro penyaya iyi, zvimwe zvose zvavanenge vachiita kupedza nguva.
Pakaitika Gukurahundi kubva muna 1982, VaMnangagwa ndivo vaive gurukota rezvevasori, iro raive pamberi pakufambiswa kwenyaya dzeGukurahundi. Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakaurayiwa nemauto eFifth Brigade munguva iyi.
Nhengo dzeMthwakazi People's Republic dzaratidzira zvisina mutsindo dzichiti VaMnangagwa havakwanise kutungamira munyaya dzine chekuita neGukurahundi.
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatsanangura nguva yeGukurahundi senguva yekupenga munguva iyi, asi havana kukumbira ruregerero sezvaitarisirwa nevakawanda.
Facebook Forum