Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana kweNyika Dzose muAfrica


President Emmerson Mnangangwa Announces Robert Mugabe's Death 3
President Emmerson Mnangangwa Announces Robert Mugabe's Death 3

Vatungamiri vedzimwe nyika vabatana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mukuonekana nemutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya svondo rapera kuSingapore.

Vachitaura kuNational Sports Stadium, VaMnangagwa vakurudzira hutungamiri hwemuAfrica kuti rwutevere mutsoka dzaVaMugabe munyaya dzekuvandudzwa kwehupfumi pamwe nekurwira kuti nyika dzose dzitorwe sedzakaenzana.

Ataura akamirira mhuri yemufi pachiitiko ichi, VaWalter Chidhakwa, vatsanangura VaMugabe semunhu airwira zvido zveveruzhinji zvakafanana nekutungamirira chirongwa chekutorwa kwakaitwa mapurazi vachiti VaMugabe vakaita izvi kunyange hazvo vaiziva kuti vaizowana vanotsoropodza.

VaChidhakwa vatiwo VaMugabe, avo vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017, munhu akafa asiri kufara zvichitevera rwendo rwavakafamba munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vari kutaura akamirira mhuri yekwaMugabe, VaLeo Mugabe, vaudza Studio7 kuti mutumbi waVaMugabe uchaendeswa kwaZvimba mangwana.

Pasvika Studio 7 pamarinda eHeroes Acre, zvigaro zvanga zvichiiswa pamarinda aya uye matende anga achikakwa.

Vamwe vevauuya kubva kunze kwenyika kuzowonekana neVaMugabe ndiVaKenneth Kaunda, avo vaimbove mutungamiri weZambia, vaimbove mutungamiri weNamibia, VaSam Nujoma, vaimbove mutungamiri weBotswana VaFestus Mogae, vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vaimbove mutungamiri weGhana, VaJerry Rawlings, mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, mutungamiri weZambia pari zvino, VaEdgar Lungu nevamwe.

Vatungamiri vemapato anopikisa munyika kusanganisira VaNelson Chamisa vanga varipowo pachiitiko chaitirwa kuNational Sports Stadium.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG