Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvinotamba muCLPSL Zvotsvaga Vatambi Vatsva


Caps United
Caps United

Zvikwata zvitsva nezvikwata zvine mukurumbira, zviri pamariketi zvichitsvaga vatambi vatsva vekusimbisa zvikwata izvi.

Asi maSunshine City Boys eHarare City ndiwo ari kutungamira mukuraura vatambi mushure mekubata vatambi vatatu vane mukurumbira munhabvu yemunyika.

Harare City yatora Marshall Machazane kubva kuDynamos; Milton Ncube kubva kuCaps United, na Walter Mukanga uyo vatenga kuNgezi Platinum Stars.

Pamusoro pezvo, chikwata ichi charaura zvekare mutambi wechidiki, Collins Mujuru, uyo chatenga kubva kuAces Academy iyo yakapa Khama Billiart na Knowledge Musona mukurumbira.

Harare City haina kuraisikirwa kana nemutambi mumwe chete kubva pane avo yaive navo mwaka wapera.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti vari kuona Harare City ichinetsa zvinotyisa mwaka uno.

Kunyange hazvo Harare City yakasvika mufainari yeChibuku Super Cup mwaka wapera, chikwata ichi chakatatarika mumitambo yeligi ndokupedza chiri pachinzvimbo chegumi.

Ukuwo Caps United yatenga Gabriel Nyoni kubva kuHighlanders uyo ari kubatana naPhineas Bhamusi adzoka kuMakepekepe kubva kuFC Platinum, pamusoro pa Ronald Chitiyo, uyo anaya mushure mekunge akakuvara kwenguva refu.

Mushure mekutora mukombe weligi muna 2017, maGreen Machine haana kufambirwa nezvinhu zvakanaka muna 2018 zvekuti ari kutarisira rombo rakananaka mwaka uno nevatambi vatsva vaanawo.

Mashoko ari kufamba ari kuti Caps United ine vamwe vatambi vatatu vakabva kumaMalawi kunyange hazvo vatambi ava vasati vabuditswa pachena.

Asi FC Platinum, iyo ine mukombe wePSL, haisi kugara pasi yakatarisa vamwe vachitenga vatambi.

Chikwata chaNorman Mapeza ichi chapinda mumusha meNgezi Platinum Stars umo nezuro chakanyukura Godknons Murwira uyo akambotambira zvekare Dynamos.

Mumwe muteveri wenhabvu uyo anoti haana chikwata chaanofarira munyika kunze kwemaWarriors, VaHonest Mushava, vanoti vachiona matambiro ari kuita FC Platinum muCaf Champions League, chikwata ichi chinotora mukombe uyu zvekare.

Chikwata chitsva mugungano iri cheManica Diamonds, chawedzera Wisdom Mutasa kubva kuCaps United naMarshall Mudewe kubva kuFC Platinum, pavatambi vakachipinza muPSL.

Black Rhinos inonzi iri kuita hurukuro naPartson Jaure uyo achangodzoka kubva kuZambia uko aitambira Buildcon.

Black Rhinos inopa vatambi vayo mabasa muZimbabwe National Army, basa iro mutambi anoramba anaro kunyange paanoregedza zvenhabvu.

Asi mumusha meDynamos hamuna chiri kubuda munyaya dzekutenga vatambi kunze kwekurwisana kwevatungamiri vayo kunyange hazvo yakapona neburi retsono kubuda mugungano iri mwaka wapera.

Nezuro, VaSolomon Sanyamanzwe vakasiiswa basa semutungamiri weDynamos nebhodhi rechikwata ichi iro rinotungamirwa naVaBenard Marriot.

Muteveri weDynamos, VaNesbert Chinyani, vanoti vachitarisa zviri kuitika muchikwata chavo havasi kuona paine chimuko mwaka uno.

Vakawanda vari kutarisira kutanga kwemwaka wenhabvu vaine shuviro yekuti zvikwata zvavo zvichaita mashiripiti gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG