Accessibility links

Breaking News

Makundano eNhabvu yePSL Odzokera Zvakare Munhandare


Caps United

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kudzoka zvizere mushure mekukanganiswa neCovid 19 svondo rapera.

Asi maziso akawanda ari pachikwata che Caps United icho chiri kutsvaga mapoinzi acho ese matatu ekutanga kubvira makundano emwaka uno atanga.

Caps United haisati yakunda kana kukundwa asi yave kuda mapoinzi ese matatu kuti isasaririre zvakanyanya murwendo rwemukombe uyu.

Caps United yakaita mangange mumitambo yayo neZPC Kariba pamwe neHarare City asi mapoinzi matatu ave kudiwa pamutambo wayo ne Black Rhinos muNational Sports Stadium mangwana.

Chikwata ichi chakasiisa basa Darlington Dodo, ndokutora Lloyd Chitembwe kubva kuHarare City mushure mekutatarika zvinotyisa mumitambo yeChibuku Super Cup.

Mukuru wevateveri veCaps United uyezve vari nhengo yebhodhi rechikwata ichi, VaAbraham Kawadza, vanoti havaipa Chitembwe basa dai vasina chivimbo chekuti anotora mukombe.

Asi FC Platinum, iyo ine mukombe uyu uyezve ichitevera Ngezi, iri murwendo kuenda kuBulawayo kunosangana neBulawayo Chiefs iyo iri kubaka moto.

Munyori wezvemitambo, Admire Muhimeke, anoti murairidzi weKugona Kunenge Kudada, Norman Mapeza, haaite zvekutamba mumitambo yakaoma seuyu.

Dynamos iri pamusha neCranboune Bullets neSvondo, musi mumwechetewo Highlanders iri kutyirwa kurohwa apo iri kushanyira Manica Diamonds kuSakubva Stadium kwaMutare.

Triangle, iyo yakarova Dynamos 1-0 pakapedzisira kutambwa mitambo, iri munzira kuenda kuKariba kunotamba neZPC.

Mimwe mitambo iri kusanganisira yeChicken Inn neTenax muBarbourfields Stadium pamwe neweHwahwa neBulawayo City muAscot.

Zvichakadaro, sangano reSport and Recreation Commission raumba komiti yekugadzirisa mamiriro enhabvu munyika zvichitevera kusiiswa basa kwakaitwa Zifa Board.

Komiti iyi inosanganisira vaimbove mutungamiri weZimbabwe Olympic Committee, VaTommy Sithole, naMuzvare Anna Mguni avo vaimbove mukuru wekumahofisi eZOC.

Gwaro rabva kuSRC rinoti vamwe vari mukomiti iyi ndaVaDesmund Ali, VaCharles Sibanda, VaJoel Gombera, VaBlessing Rugara, VaBrian Moyo, Muzvare Rudo Mugandani, naMuzvare Joyce Kapota.

Komiti iyi yapihwa basa rekugadzirisa mamiriro enhabvu kusati kwaitwa sarudzo yevatungamiri vatsva veZifa.

SRC yakamisa basa komiti yeZifa iyo yaitungamirwa naVaFelton Kamambo nemhaka dzakasiyana-siyana.

Sarudzo yevatungamiri vatsva veZifa inofanira kuitwa muna Kurume gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG