Accessibility links

Breaking News

VaSikhanyiso Ndlovu Vovigwa kuHeroes Acre neMugovera


The late Dr. Sikhanyiso Ndlovu.
The late Dr. Sikhanyiso Ndlovu.

Mutumbi wegamba renyika Dr Sikhanyiso Ndlovu uri kurara muHarare nemusi weChishanu pachigadzirirwa kuvigwa kwavo neMugovera kumarinda eNational Heroes Acre.

Mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kutura mashoko pakuvigwa kwaVaNdlovu. Dr Ndlovu vakashaya neChipiri kuBulawayo.

NeChishanu kwakaitwa munamato pamba pavo kuSunning Hill muBulawayo. Vakuru vehurumende neveZanu-PF kusanganisa VaObert Mpofu, amai Angeline Masuku, amai Eunice Sandi Moyo uye VaRichard Ndlovu. Kunze kwezvematongerwo enyika, VaNdlovu vaizivikanwa zvikuru nekusimbisa nyaya yedzidzo.

Mutungamiri wesangano revadzidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vanoti VaNdlovu vane kodzero yekuvigwa kumarinda eNational Heroes Acre.

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya anotsinhirawo naVaRugare Gumbo avo vaimbova mutauriri webato reZanu-PF uye vakashanda nemufi.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG