Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission amai Rita Makarau vanoti sangano ravo ragadzirira kuita sarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa kuMbire, Epworth neMarondera Central.
Izvi zvinotevera kudzingwa mubato reZanu-PF kwaVaDavid Butau uye VaRay Kaukonde kuMarondera Central. Vaviri ava vaipomerwa mhosva yekutsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru vakadzingwawo mubato.
KuEpworth kuri kuitwa sarudzo mushure mekushaya kwaVaAmos Midzi veZanu-PF. Vanhu varikukurudzirwa nezec kuti vauye nemapepa chaiwo ekuvhota kwete madrivers license.
Amai Rita Makarau sachigaro weZEC vanoti vavhoti vanofanira kuuya nezvitupa zvinoonekwa kwete madrivers license.
Tichiri panyaya iyi mutauriri wesangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network Amai Ellen Dingane vanoti zvinhu zvirikufamba zvakanaka parezvino.
Mapato achakwikwidza kuEpworth anosanganisira Zanu-PF, Transform Zimbabwe neZAPU.
KuMarondera kuchakwikwidza Zanu-PF, Transform Zimbabwe, Freedom Front ne National Constitutional Assembly uye kuMbire kuchakwikwidza Zanu-PF, Transform Zimbabwe neNCA.
Asi mapatao akaita seMDC ne People’s Democratic Party ari kuramwa kupinda musarudzo idzi achiti mitemo yesarudzo iripo yakarerekera kubatsira bato riri kutonga reZanu-PF kuti rikunde.
Asi bato reZanu-PF rinoti zviri kutaurwa izvi ndezvemugotsi matsuro. Bato iri rinoti veMDC vanotya kukundwa musarudzo.