Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chishanu, Gunyana, 18, 2015


Studio 7 09 Aug
Studio 7 09 Aug

Ini ndini Sandra Nyaira ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Chishanu, Gunyana, 18, 2015.

Mutumbi wegamba renyika VaSikhanyiso Ndlovu woenda kunorara muHarare uchitarisirwa kuvigwa mangwana.

Sachigaro weZEC Amai Rita Makaru vanoti vagadzirira zvizere kuita sarudzo dzemaby-election mangwana.

Sangano re Heal Zimbabwe Tust rocherechedza zuva rerunyararo pasi rose re international peace day nemuvhuro richiunganidza vakashungurudzwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika mudunhu remasvingo.

Tichakupai nhau dzemitambo yeChibuku Super Cup nemakwikwi ekumhanya eWestgate half marathon

Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvegamba renyika VaSikhanyiso Ndlovu.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Misoro yeNhau, Chishanu, Gunyana, 18, 2015
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG