Accessibility links

Breaking News

VaSikhanyiso Ndlovu Vanoshaya

Dr. Sikhanyiso Ndlovu.
Dr. Sikhanyiso Ndlovu.

Vaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye variwo nhengo yePolitburo mubato reZanuPF VaSikhanyiso Ndlovu vakashaya nemusi weChipiri muBulawayo.

Vamwe vakuru vakuru vebato iri vanoti vane chivimbo chekuti vachaitwa gamba renyika.

VaNdlovu vashaya nhasi mangwanani pachipatara cheMater Dei uko vakaendeswa svondo rapera mushure mekunge vaita stroke.

Studio 7 payasvika kumba kwaVaNdlovu kuSunninghill vanhu vakawanda kusanganisira vamwe vakuru vakuru vebato reZanu PF vainge vototanga kusvika kuzobata maoko.

Imwe nhengo yePolitburo yeZanu PF VaAbsolom Sikhosana vati bato ravo pamwe nenyika zvarasikirwa zvikuru nekushaya kwavaNdlovu.

VaSikhosana vati mushure mekunzwa nezverufu rwaVaNdlovu nhengo dzeZanu PF mudunhu reBulawayo dzakaita musangano wechimbi-chimbi wekuti vape kurudziro kuboka rePolitburo yekuti VaNdlovu vaitwe gamba renyika uye vati vakamirira kunzwa mhinduro.

"Tasangana sevatungamiri veZanuPF muBulawayo patangonzwa nezverufu rwavaNdlovu." vakadaro vaSikhosana.

Vakaenderera mberi vachiti, "Tichitarisa basa rakaitwa navaNdlovu mukusunungura nyika nebasa ravakaita nyika yawana kuzvitonga, taona zvakakodzera kuti tiendese chikumbiro chekuti vaitwe gamba renyika."

Imwezve nhengo yePolitburo VaJoshua Malinga vati VaNdlovu vakaita basa guru rekusimudzira hupenyu hwevanhu vatema nyika isati yawana kuzvitonga kuzere uye nyika yawana rusununguko. Vanotiwo vanotarisira kuti VaNdlovu vachaitwa gamba renyika pasina chinonetsa.

"Vakaita zvakawanda mukuedza kusimudzira vanhu vatema", vakadaro VaMalinga.

Vanotiwo, "Ndinoti tarasikirwa zvikuru nemumwe wevanhu vange vakakosha munhoroondo yerusunguko rwenyika yedu uye zvichanetsa kuwana mumwe munhu akaita saivo. Ndinokurudzira kuti tose titevedzere muenzaniso wakanaka wavasiya wekubatsira veruzhinji"

Mumwe mugari wemuBulawayo VaWalter Taranhike vati vanoyeuka VaNdlovu vari munhu aifarira zvemitambo kunyanya nhabvu. Vakatiwo mushakabvu vaibvisa mari kutsigira mitambo yakasiyana-siyana yevechidiki pavaive mumiriri weMpopoma mudare reparamende.

VaNdlovu avo vange vave nemakore makumi manomwe nemasere vakave nezvinzvimbo zvakasiyana-siyana muhurumende pamwe nemubato reZanu PF kusanganisira kuve mumiriri weMpopoma, uye kuve mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo.

VaNdlovu vasiya mudzimai, vana pamwe nevazukuru. Hurongwa hwekuvigwa kwavo hunotarisirwa kuziviswa munguva pfupi inotevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova gavhuna weMidlands VaCephas Msipa vanoti vakashanda nemufi munguva yehondo uye aive munhu ainge akazvipira muchimurenga anofanira kuitwa gamba renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya atsinhirawo nemukuru wesangano revashandi vehurumende reApex Council nere Zimbabwe Teachers Association VaRichard Gundani vati nyika yarasikirwa negamba zvikuru munyaya yedzidzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG