Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Gwaro reVavhoti Ngarigadziriswe

Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network rinoti richange richiongorora sarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa neMugovera kuMbire, Marondera neEpworth.

Asi ZESN inoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa zvikuru pakatariswa gwaro revavhoti iro risina kumira zvakanaka parizvino. Gwaro revavhoti ragara richikonzera mutauro wakanyanya munyika panguva yesarudzo. ZESN inotiwo vavhoti vanoda kudzidziswa zvakasimba nenyaya dzezvinodiwa mukuvhota.

Mapato makuru anopikisa akaita seMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, People’s Democratic Party uye MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube haasi kupinda musarudzo idzi achiti anoda kuti mitemo yesarudzo itange yavandudzwa kusanganisawo nyaya yegwaro revavhoti.

Asi veZanu-PF vanoti vanopikisa vasiri kupinda musarudzo vari kutya kukundwa.

Sarudzo idzi dziri kuitwa mushure mekushaya kwaVaAmos Midzi vekuEpworth uye kudzingwa mubato kwaVaRay Kaukonde vekuMarondera Central naVaDavid Butau vekuMbire.

Hurukuro naAmai Rindai Chipfunde-Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG