Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Bato Ravo Rakagadzirira Kubatana neVamwe Vanopikisa


ZIMBABWE NATIONAL BUDGET
ZIMBABWE NATIONAL BUDGET

Bato idzva rePeople’s Democratic Party rakapeta musangano waro wekutanga wekongiresi muHarare nemusi weChishanu uye rakabuda nezvisungo zvakawanda zvino sanganisira kushanda nemamwe masangano anopikisa muchirongwa charo chekubvisa hurumende yebato reZanu PF..

Vachivhara kongiresiyavo yakatanga nemusi weChitatu, mutungamiriri webato iri VaTendai Biti vakati zvakakosha kuti masangano ese anopikisa abatane kuti akwanise kubvisa hurumende yaVaRobert Mugabe nebato ravo reZanu PF.

Asi vanoti bato ravo richabvisa hurumende iripo zviri pamutemo uye vati zvave pachena kuti kana hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ikaramba iripo nyika haimbobudirira.

VaBiti vanotiwo nyaya yauraya Zimbabwe inyaya yekuti hutungamiriri wenyika ino hauna rudo, uye hunogorara huchishoropodza veruzhinji huchiita sekuti ndihwo hwakasika vanhu.

Vati bato ravo richange rine rudo neveruzhinji uye vati chinangwa charo chikuru ndechekuti vanhu vese vemunyika ino vagare vachifara kwete kugara vakasuwa sezvavarikuita parizvino.

Bato iri rakaitawo chisungo chekuti richasimudzira hupfumi kana rave kutonga nezvirongwa zvaro zvakaita seHolistic Program for Economic Transformation kana kuti HOPE neAgenda for the Restoration and Rehabilitation of Electoral Sustainability kana kuti ARREST pamwe nezvimwe zvirongwa.

Chimwe chisungo chakaitwa nePDP ndechekuti bato iri richadyidzana nenyika dzese nemasangano emuAfrica pamwe nenyika dzepasi rese sezvo Zimbabwe yakafanana nenyika idzi.

Bato iri rakaitawo chisungo chekuti mutungamiriri webato iri handiye anomirira bato iri musarudzo dzemutungamiriri wenyika asi kuti bato iri rinotosarudza munhu achamirira bato iri musarudzo.

Mutungamiriri wemadzimai muPDP, Amai Evelyn Muzungu Masaita, vanoti vari kushushikana nekushurungurudzwa kuri kuitwa madzimai munyika uye vachaedza zvose zvavanogona kuti madzimai agare zvakanaka.

VaFarai Nyandoro avo vimbove meya wedhorobha reMarondera vanoti vanofara chose negwara nezvisungo zvePDP.

Humwe hutungamiriri wesangano iri hunosanganisira Amai Lucia Matibenga, vanose sachigaro wemusangano, VaSipepa Nkomo, mutevedzeri wemutungamiriri webato, VaGoden Moyo munyori mukuru, mutevedzeri wavo, VaTongai Matutu, VaSolomon Madzora vanoona nezvekurongwa kwemusangano, VaJacob Mafume vanoona zvekuburitswa kwemashoko uye VaMoses Manyengavana ndivo vachange vachitungamiriri vechidiki.

Sangano iri rakasarudzawo vatungamiriri vematunhu ese munyika nemaamwe makomiti esangano iri uye VaBiti vanoti hutungamiriri hwebato huchatanga kushanyira matunhu ese huchiona kuti basa riri kufambiswa sei.

Kunyange hazvo musangao uyu wakafamba zvakanaka wakamboita mutauro apo nhengo dzebato iri kubva kuManicaland kusafara nekudomwa kweimwe nhengo yedunhu iri VaJulius Magarangoma semutevedzeri wemubati wehomwe sezvo dzange dzakatarisirira kuti vachapihwa chigaro chemubati hwehomwe.

Nhengo dzebato iri kubva kuMasvingo pamwe nevechidiki kubva kuMatebeleland South, North neBulawayo dzakakwidzawo zvichemo zvadzo maererano nemasarudzirwo akaitwa vatungamiriri pamusangano uyu. Asi VaBiti vakavimbisa kuti vachagadzirisa zvichemo izvi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaBlessing Vava vanoti mapato anopikisa anyanya kupatsurana zvopa kuti asakwanise kubudirira.

Hurukuro naVaBlessing Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG