Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voparura Gwaro reKujekesa Kuti Sei Vasiri Kupinda Musarudzo

VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri we MDCT, VaMorgan Tsvangirai nemusi weChina vakaparura gwaro rinodorongodza zvikonzero zviri kuita kuti varambe kupinda musarudzo dzinotevera vachiti nyaya yesarudzo dzemu Zimbabwe yavakufanirwa kuzeyewa zvakare nesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC.

Vachitaura pakuparura gwaro iri rinonzi Without Reforms No Elections, VaTsvangirai vakati nyaya yekusafambiswa kwesarudzo zvakanaka muZimbabwe yavakufanirwa kugarirwa pasi nechimbichimbi nevatungamiri veyika dziri mu SADC.

VaTsvangirai vati bato ravo harisi kuramba kupinda musarudzo asi pane zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo idzi dzisatio dzaitwa.

Vakaenderera mberi vachiti vari kukungura kuti dai bato ravo risina kupinda musarudzo dzakaitwa muna 2013 idzo dzavanoti dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nebato ravo re Zanu PF.

Asi VaMugabe nebato ravo vanoti sarudzo idzi dzakaitwa zviri pachena. Vanoti vakafarawo zvikuru kuti vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru vavakutaurawo nezwi rimwe navo pamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika pamwe nekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo.

Asi VaTsvangirai havana havo kubuda pachena kuti vachashanda pamwe chete naAmai Mujuru here kana kuti kwete mukukwikwidza VaMugabe musarudzo dzemuna 2018.

Gwaro rakaparurwa naVaTsvangirai iri rinoti sangano rinowona nzvekufambiswa kwesarudzo reZimbabwe Eletoral Commission ndiro rinofanira kunyoresa vavhoti.

Rinotiwo madzishe nemasabhuku pamwe nevari muchito havafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nekufambiswa kwesarudzo.

Gwaro iri rinotiwo panofanirwa kuuumbwa nzira dzekuti kana VaMugabe vachinge vakundwa musarudzo vabvume kusiyira masimba kubato rinenge rakunda.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, VaTsvangirai vanoti vari kutambira amai Joyce Mujuru nemaoko maviri nekubuda pachena kuti vava kudivi rezvematongero enyika rinopokana nehutongi hweZanu-PF uye vanoda kuti bato iri ribviswe pachigaro.

Mumashoko akabuditswa nemusi weChina nemutauriri wavo VaLuke Tamborinyoka, VaTsvangirai vakati kubuda pachena kwa amai Mujuru uku kunoreva kuti bato reZanu-PF rapinda panguva yakaoma.

Amai Mujuru vakaburisa gwaro rine zvinangwa zvavo kana vakapihwa mukana wekutungamira nyika.

Nyanzvu munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Nkululeko Sibanda vanoti VaTsvangirai vari kuyedza kukwezva amai Mujuru.

Hurukuro naVaNkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG