Vagari vemuBulawayo vanosvika zviuru zvishanu vakaratidzira mumigwagwa yeguta iri neChishanu vachishora kanzura yavo iri nekuda kuisa mapre-paid water meters mudzimba dzavo.
Kuratidzira uku kwanga kwarongwa nemasangano akazvimirira oga anosanganisira Bulawayo Progressive Residents Association, Abammeli Human Rights Lawyers ne Habakkuk Trust nemamwe.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vakatobuda pachena vachiti vanotsigira hurongwa hwekuisa mapre-paid meters mudzimba.
Mutevedzeri wameya weguta reBulawayo VaGift Banda vakaudza bepanhau reNewsday kuti vanhu vari kuratidzira ava vari kukurumidza kumedza kutsenga vachada nekuti chirongwa ichi chichiri kuzeyiwa.
Mumwe wevange vakaronga kuratidzira uku BaMmeli Dube vaudza Studio 7 kuti kuratidzira kucharamba kuchienderera mberi nekuti vagari havasi kufara.
Zvichakadaro, mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vanoti kanzuru iri kuzoenderera mberi ichivhara mvura yevagari vose vanengevaine zvikwereti.
Izvi zvinotevera kumbosendekwa parutivi kwenyaya yainge yakwidzwa kudare nevamwe vagary vemuHarare vachiti kuvavharira mvura kutyora bumbiro remitemo.