Accessibility links

Breaking News

VaWilfred Mhanda Vanoshaya


Mhanda
Mhanda
Vaiva murwi wehondo yerusununguko uye vaishanda namuchakabvu Solomon Mujuru naVaNikita Mangena muchikwata cheZimbabwe People’s Army kana kuti ZIPA munguva yehondo, VaWilfred Mhanda, vakashaya neChitatu kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekurwara kwenguva yakareba.

ZIPA yaiva mubatanidzwa weZIPRA ne ZANLA munguva yehondo uye yakaumbwa muna 1976 kumutsiridza hondo yerusununguko mushure mekunge paita kunetsana muzanu mushure mekufa kwaVaHerbert Chitepo uye kumbosungwa kwamuchakabvu VJosiah Tongogara kuZambia.

VaMhanda vaizivikanwa nezita rechimurenga rekuti Dzinashe Machingura. Vakarwira hondo yerusununguko vanoti panyaya yekuronga nyaya dzehondo vamhanda yaive shasha.

VaMhanda vakabuda munyika muna 1971 vachibva kuchikoro nevamwe vavo vachitiza vasori veSpecial Branch vachipinda muBotswana.

Vakazoendawo kuchina kunodzidzira zvechiuto vakambogarawo kukamba yeMgago kuTanzania uko vakaumba ZIPA nevamwe vachizobvako vachienda kuMozambique kunorwa hondo yerusununguko.

VaMhanda vakambosungwa pakaparadzwa ZIPA nehutungamiri hweZanu mushure mekunge hurukuro dzerunyararo dzekuGeneva dzakundikana.

Pakawana nyika kuzvitonga kuzere nekutya kusungwa nehurumende yaVaMugabe, VaMhanda vakaenda kunze kwenyika kunodzidza.

Asi muna 2000 ivo nevamwe vakaumba sangano reZimbabwe Liberators Platform rekumirira vanhu vakarwa hondo yerusununguko.

Mwana wemunin’ina wavo, VaMunyaradzi Mhanda vanoti semhuri vachiri kuronga kuti vovaradzika kupi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG